Accessibility links

Breaking News

Musoja Akabvutira VaMugabe Masimba Anoitwa Mutevedzeri weMutungamiri weNyika


In this handout photos, President Robert Mugabe poses with General Constantino Chiwenga at State House in Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.
In this handout photos, President Robert Mugabe poses with General Constantino Chiwenga at State House in Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.

Vaimbove mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, pamwe naVaKembo Mohadi, vatoreswa mhiko yekushanda sevatevedzeri vemutungamiri wenyika pachirongwa chaitirwa kuState House neChina mangwanani.

VaChiwenga naVaMohadi vachitora mhiko yekushandira nyika pamberi pemutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba.

izvi zvaitirwa pangungano rapindwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, makurukota ehurumende, mhuri dzavo, pamwe neshamwari.

Vanhu vakawanda vafara nezvaitika vachiti zvinozadzisa basa rakatangwa pakabviswa pachigaro vaive mutungamiri wenyika,VaRobert Mugabe, muna Mbudzi.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvePolitical Socience paUniversity of Zimbabwe, Professor Charity Manyeruke, vati zvichitevera kugadzwa kwevaviri ava, zvava kureva kuti VaMnagwagwa vave kukwanisa kuita basa ravo nemazvo sezvo vave nevatevedzeri.

Vati kutoreswa mhiko kwaitwa VaChiwenga naVaMohadi kwazadzisa hurongwa hwekuumba hurumende itsva sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Patavabvunza kuti vanooana sei pahutungamiri hwepamusoro muhurumende husina madzimai, Professor Manyeruke vati VaMnangagwa vakasarudza vatevdzeri vavo kubva pasi pemoyo wavo.

Vatiwo havana chichemo nevaviri vagadzwa avo sezvo vari vanhu vanogona basa ravo uye vanoda runyararo.

Mumiriri weNyanga South muparamende zvakare vari gurukota rezvehunyanzvi hwekushandisa michina yechizvino zvino, VaSupa Mandiwanzira, vaudza Studio7 kuti hurumende yakwakana, chasara kuchiita basa.

Hanzvadzi yaVaMohadi, Amai Melissa Singo, vaudza Studio7 kuti vafara nekugadzwa kwehanzvadzi yavo uye zvaratidza kuti nyika inovimba nemhuri yavo.

Vati vanovimba kuti VaMohadi vachaita basa nemazvo uye pavanotadza vanofanirawo kuregererwa.

Munin'ina waVaChiwenga, VaMasimba Chiwenga, vati vanovimba nemukoma wavo uye vanotarisira kuti vachashanda sezvakatarisirwa veruzhinji.

VaChiwenga naVaMohadi vagadzwa sevatevedzeri vaVaMnangagwa muhurumende zvichetevera kugadzwa kwavo sevatevdzeri vaVaMnangagwa zvakare mu Zanu PF.

VaChiwenga ndivo vakatungamira mauto kubvisa vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy, icho chakatanga musi 13 Mbudzi, vachiti vaida kugadzirisa zvinhu zvanga zvashata munyika, kusanganisira kubvisa nhubu dzakanga dzakakomberedza VaMugabe apo vaitonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG