Accessibility links

Breaking News

VaMafume Vabvisiswa ZW$40,000 seMari yeChibatiso


Meya veHarare vakamiswa basa, VaJacob Mafume, vabhadhara zviuru makumi mana zvemadhora emuno semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kubva kumba panyaya dzehuwori dzavari kupomerwa.

Dare repamusoro rapa VaMafume mukana wekubvisa mari yechibatiso zvichitevera chikumbiro chakasvitswa kudare iri muna Zvita gore rapfuura mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramajisititiri muHarare.

VaMafume vakasungwa vachinzi vainge vapindira pakuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa yekuti vakapa nzvimbo dzekuvakira dzimba kuhanzvadzi yavo, Muzvare Rotina Mafume, pamwe nemumwe mushandi wekumahosifi avo, Muzvare Rutendo Muvuti, ivo vasingakodzeri.

Gweta raVaMafume, VaTonderai Bhatasara, vati vatambira nemufaro mutongo wedare.

VaBhatasara vazivisawo kuti hutano hwaVaMafume hwave nane mushure mekuonekwa nanachiremba svondo rapfuura vasinganzwe zvakanaka.

Mune imwewo nyaya, mumiriri weZengeza West muNational Assembly, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekunyora manyepo padandemutande ravo reFacebook, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Pamutongo wavo, mutongi, VaNgoni Nduna, vati VaSikhala vanogona kupara dzimwe mhosva dzakaita seyavari kupomerwa kana vakatongwa vachibva kumba.

Rimwe remagweta avo, VaJeremiah Bamu, vati vave kukwira kudare repamusoro nechikumbiro chaVaSikhala chekuti vatongwe vachibva kumba.

VaBamu vati VaSikhala vachadzoka zvakare kudare musi wa18 Kukadzi.

Mune imwewo nyaya, mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vari kupomerwa mhosva imwe naVaSikhala, vacharamba vari mutirongo kusvika nemusi weMuvhuro svondo rinouya apo dare remajisitireti richapa mutongo waro pachikumbiuro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa.

Mune imwewo nyaya mumatare mekare, mutongi wedare repamusoro Justice Benjami Chikowero, vaisa parutivi mutongo wavo pachikumbiro chevaimbi, Anorld Kamudyariwa anozivikanwa nerekuti Fantan, Tafadzwa Kadzimwe, anozivikanwa nerekuti Levels naTinashe Chanachimwe kana kuti Damma avo vari kupikisa mutongo wakapihwa nedare ramijisitireti mushure mekubata nemhosva yekutyora mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vatatu ava vaksita gugangano remumhanzi kuMatapi kuMbare musi wa31 Zvita vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekubvuma mhosva yavo.

Vatatu ava vari kupikisa mutongo uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG