Dare reSupreme Court rati richazotura mutongo waro panguva yarisina kutara pachikumbiro chasvitswa kudare iri nenhengo dzeMDC dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View muna 2011.
Vachisvitsa chikumbiro kudare iri chekuti mutongo wakapihwa VaTungamirai Madzokere, VaLast Maengehama, VaPhineas Nhatarikwa pamwe naMuzvare Yvonne Musarurwa, wekuti vapike makore makumi maviri vari mujeri, gweta revasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, vati dare repamusoro rakakanganisa parakavawana vaine mhosva.
Amai Mtetwa vati kunyange hazvo Muzvare Musarurwa vakaburitswa mujeri mushure mekunzwirwa tsitsi nemutungamiri wenyika zvakange zvisingakodzere kuti vabatwe nemhosva kubva pekutanga sezvo vati mapurisa akapa hufakazi pakutongwa kwenyaya iyi mudare repamusoro akapa humbowo hwakasiyana.
Amai Mtetwa vati hufakazi hwemapurisa aya hwakasiyana nezviri mumutongo waVaChinembiri Bhunu avo vakatura kuti hufakazi hwese hwakapihwa nemapurisa hwakanga hwakafanana zvairatidza kuti vasungwa ava ndivo vakakonzera kufa kwemupurisa, VaPetros Mutedza, pane rimwe bhawa riri mumusha weGlen View muno muHarare muna 2011.
Amai Mtetwa vati dare repamusoro harina humbowo hwarakapihwa nevafakazi hunoratidza kuti chii chaizvo chakaitwa nemumwe nemumwe pavasungwa ava chinoratidza kuti ndivo vakauraya VaMutedza.
Vati panzvimbo yemabhizimusi apa pakange paine vanhu vakawanda vaizvifambirawo saka nokudaro zvinoshamisa kuti hapana kana munhuwo zvake akauya kudare kuzopa hufakazi hwekuti akaonawo kana munhu mumwechete zvake pavasungwa ava achiita mhirizhonga ingave yakakonzera kufa kwaVaMutedza kunyange hazvo mapurisa akambenge audza dare kuti vasungwa ava pavaikumbira mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti pane veruzhinji vakawanda vaifanira kuzopa hufakazi hwekuroverera vasungwa.
Zvataurwa naAmai Mtetwa mudare zvatsinhirwa naVaCharles Kwaramba vanove rimwe remagweta evasungwa ava.
Asi gweta rehurumende panyaya iyi, VaFungai Nyahunzvi, vaudza dare kuti hapana chakakanganiswa nemutongi wedare vachiti mutongi akashandisa mutemo sezvauri uye humbowo hwakasvitswa mudare pakutongwa kwenyaya iyi, hunoratidza kuti vasungwa ava ndivo vakakonzeresa kufa kwaVaMutedza.
VaNyahunzvi vati VaNhatarikwa kunyange hazvo vainge vasipo pakarohwa VaMutedza vakafa, kutakura kwavakaita vamwe vevasungwa vakange votiza panzvimbo yakaparirwa mhosva kunoburitsa kuti vaive nerimwe nevasungwa vakabatwa nemhosva ava.
VaNyahunzvi varamba kutaura neStudio7 vachiti havabvumirwe nemutemo webasa ravo kutaura nevatori venhau.
Vatongi vedare reSupreme Court vatatu vanga vachiti Amai Elizabeth Gwaunza, Amai Susan Mavhangira pamwe naAmai Rita Makarau vati vachazotura mutongo wavo pazuva ravasina kutara.
Zvichakadai, Muzvare Musarurwa, avo vauya kuzonzwa nyaya iyi, vaudza Studio 7 kuti mwoyo wavo unorwadza pose pavanoenda kunoona vavakange vakasungwa navo kujeri.
Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaCharlton Hwende, vaudzawo Studio7 padare apa kuti sebato vari kushushikana zvikuru kuti nhengo dzebato dziri kushungurudzirwa mhosva yavanoti hadzina kutara.
VaMaengehama nevamwe vavo vakatongerwa kuti vagare mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekubatwa nemhosva yekuponda VaMutedza.
Vasungwa ava vakanga vari makumi maviri nevasere asi vamwe vavo vakawanikwa vasina mhosva.
Pakutongwa kwenyaya iyi, vasungwa ava vakati vaishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika vachiti havanei nekufa kwakaita VaMutedza.
Padare panga paine hutungamiri hweMDC hwanga huchisanganisira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, Amai Lynette Karenyi Kore, mutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaDouglas Mwonzora, munyori anoona nezvemitemo mubato iri, VaInnocent Gonese, nevamwe.
Facebook Forum