Accessibility links

Breaking News

Vatongi veMatare eSupreme Court neConstitutional Court Vozvipinza Munyaya yaVaMalaba


Zimbabwe judges
Zimbabwe judges

Vatongi vematare maviri epamusoro soro eSupreme Court neConstitutional Court vapindawo mugakava riri panyaya yaVaLuke Malaba zvichitevera kusvitsa kwavaita magwaro avo kuSupreme Court vachipikisa mutongo wakadzikwa nedare reHigh Court uchimanikidza vaive mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuenda pamudyandigere sezvo vakange vasvitsa makore makumi manomwe ekuberekwa.

Dzimwe nyanzvi dzinoti zvaitika izvi zvinoreva kuti vatongi vese ava vari gumi nevanomwe havakwanise kunzwa nyaya iyi muSupreme Court kana kuti muConstitutional Court sezvo vane chekuita nenyaya iyi.

Gweta zvakare vari mukuru weHuman Rights Watch muSouthern Africa, VaDhewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti zvingave nani kana VaMalaba vakatevedza zvakatarwa nemutongo weHigh Court.

Vatiwo zvaitika izvi zvinoreva kuti vatongi vose ava havachakodzera kunzwa nyaya yaVaMalaba izvo zvichaita kuti mutungumiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadome vamwe vatongi kuti vanzwe nyaya iyi.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzemutemo wenyika isina kuda kudomwa nezita, yaudza Studio7 kuti hachisi chokwadi kuti vatongi veSupreme Court havakwanisi kunzwa nyaya iyi.

Nyanzvi iyi yatiwo vatongi ava vanokwanisa kutadza kunzwa nyaya iyi chete kana pachinge paitwa chikumbiro chekuti vasanzwe nyaya, ndokunge paine zvikonzero zvakasimba zvekuisa chikumbiro chakadai kudare.

Yatiwo handichokwadi kuti vatongi ava vanoda kuwedzerwa nguva vari pabasa saVaMalaba.

Asi vamwe vanoziva zvemitemo vanotiwo nepamusana pekuti zviri kudiwa nemutemo wakavandudzwa uyu zvinonakirawo vatongi ava mune remangwana, zvinenge zvakakodzera kuti vazvisudurudze panyaya inobata hupenyu hwavo nemashandiro avo kana vachiremekedza hutongo hwejechetere.

Vamwe vanoti vatongi ava vakasageza maoko avo panyaya iyi, zvinenge zvafanana naMambo anotonga nyaya yaakwirirwa mudare.

Mukuru we Zimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika nemagweta echidiki eYoung Lawyers Association of Zimbabwe, vakaenda kudare reHigh Court vachipikisa danho remutungamiri wenyika rekuwedzera nguva yebasa yaVaMalaba vachishishandisa Consitutional Amendment Number 2 Act iyo iri kunzi inotyorawo bumbiro remitemo yenyika.

Zvakaitwa naVaMnangagwa zvakarambwa nedare reHigh Court, asi hurumende yakapikisa mutongo uyu kumatare epamusoro soro.

Hurumende yakabvuma svondo rino kuti VaMalaba vari kuenda kubasa kubva zvapikiswa mutongo weHigh Court nehurumende.

Hurumende yakatiwo Amai Elizabeth Gwaunza, avo vakagadzwa zviri pamutemo semunhu akafanobata chigaro chemutongi mukuru wematare edzimhosva, vakadzokera kubasa ravo semutevedzeri waVaMalaba sezvo VaMalaba vakadzokera panyanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG