Accessibility links

Breaking News

Studio7 Inosvitsa Makore Gumi neMashanu Ichitepfenyura kuZimbabwe


programs-studio7
programs-studio7

Studio7 yasvitsa neMugovera makore gumi nemashanu kubva zvayatanga kutepfenyura musi wa 27 Ndira 2003 muchirongwa cheChirungu.

Payakaenda pamhepo uyu, vashamarari vayo muWashington vaiva Ray Choto na Ndimyake Mwakalyelye.

Vatori venhau pakaparurwa chirongwa cheStudio7 musi uyu waive Michael Kariati, David Mutomba naStanley Karombo, nevamwe vakazotangawo kushandira Studio7 mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi.

Chirongwa cheShona neNdebele chakazotanga musi wa 7 Kubvumbi, 2003.

Vatereri veStudio7 vakawanda varumbidza zvikuru nhau dzavari kupakurirwa neStudio7 asi vakurudzirawo kuti dai nhepfenyuro iyi yawedzera zvirongwa zvenhau pamwe nekuenda kune dzimwe nzvimbo dzisina vatori venhau kunyanya kumamisha.

Mumwe mutereri weStudio7, VaJames Chidhakwa, vati vanofarira Studio7 nekuti vanowana nhau dzejekerere. Asi VaChidhakwa vati shuviro yavo ndeyekuti dai Studio7 yawanikwayo paterevisheni dzinoonekwa mahara.

Mumwe mutereri weStudio7, VaKeith Charumbira, vatiwo Studio7 inovapa nhau dzekunzvimbo dzakasiyasiyana vakati izvi zvinovapa ruzivo rwezviri kuitika kunzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Mumwe mutereri, VaLovemore Chitsa, vatiwo chavanonyanyofarira paStudio7 inhau dzisina divi radzinorerekera dzavanowana.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vatiwo chinonyanyovafadza paStudio7 mukana uri kupiwa kumapato ese ezvematongerwo enyika kuti vabude panhepfenyuro iyi vachipa pfungwa dzavo.

Asi VaChihwayi vatiwo shuviro yavo ndeyekuti nhepfenyuro Studio7 iwedzere vatori venhau, zvikuru kumamisha.

Vanoronga mabasa eMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai muMbare, VaRichard Bvirindi, vatiwo vanofadzwa nezvirongwa zveStudio7 nekuti inhepfenyuro inopa mukana kumapato ese ari munyika.

VaBvirindi vati nhepfenyuro dzehurumende hadzitori nhau kubva kumapato avo. Vatiwo Studio 7 iri kubatsira kuwanisa vagari nhau kunyanya kumusha kwavo kuNyamapande uko vati hakusviki masai sai enhepfenyuro dzehurumende.

Mumwe anorarama nekutengesa zvinhu, VaMoyo Watidhii, vakurudzira kuti dai Studio 7 yawedzera zvirongwa zvayo zvenhau.

Mumwe mudzimai anofarira Studio7, Amai Otilia Chikandire, vatiwo vanoona sekuti Studio7 ine chokwadi panhau dzainoburitsa zvichienzaniswa nenhepfenyuro dzehurumende idzo vati dzinonyepera veruzhinji kunyanya panyaya dzezvematongerwo enyika.

Vatereri veStudio7 ava vatiwo havachatyi kuterera nhepfenyuro iyi kunyange hazvo hurumende ichiti haisi pamutemo asi makurukota ayo achitaura neStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG