Accessibility links

Breaking News

Studio7 Inosvitsa Makore Gumi neMana Ichitepfunyura


programs-studio7
programs-studio7

Nhepfenyuro yeStudio7 yasvitsa neChishanu makore gumi nemana ichitepfenyura mururimi rweChishona neNdebele.

Vakawanda vanoti nhepfenyuro iyi iri kuita basa guru nekutepfenyura nhau dzisina divi radzakarerekera.

Vamwewo vanoti Studio7 inofanira kupihwa mukana wekutepfenyura iri munyika.

Vakawanda kubva kumativi mana enyika vanoti vanofara chose nebasa riri kuitwa neStudio7 sezvo ichivapa nhau dzisina divi radzakarekera.

Vazhinji vavo vanoti nhepfenyuro iyi inopawo mukana kune vakawanda zvisinei kuti vanomirira bato ripi.

VaTapiwa Clayton Mupfava vekuMaramba Pfungwe vanoti Studio7 inhepfenyuro inosvika kunzvimbo kwavo uye inonzikwa zvakanaka chose kudarika nhepfenyuro dzemuno.

VaMupfava vanoti dai Studio7 yaramba ichiita basa nemazvo uyewo dai vatori vayo venhau vapinda mumaruwa nekuti ndimo mune nyaya dzakawanda dzevanhu vari kudzvinyirirwa nekunyimwa chikafu nembeu.

Kanzura weWard 27 kuGutu South, VaJeffreys Tangemahare, vati vanofarira Studio7 nekuti ndiyo nhepfenyuro inovapa nhau dzechokwadi.

Mumwe anoita zvemitambo yemumaterevhezheni achigara kuEpworth, VaProsper Ngomashi, vanoti Studio7 iri kuburitsa nhau dzakasiyana nedzimwe nhepfenyuro dzese uye inofanira kupihwa mukana wekuita basa rayo pachena muZimbabwe.

Mumiriri weMufakose mudare reNational Assembly, Amai Paurina Mpariwa, vanoti vanofara chose kuti Studio7 yave nemakore akawanda kudai ichitepfenyura uyewo inoendesa nhau pasi rese.

Asi vanotiwo dai pagadzirwa maredhiyo anonatso bata Studio7 vachiti maredhiyo mazhinji munyika haabati nhepfenyuro iyi.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Winnie Mambo, vanoti kunyange hazvo Studio7 iri kuita basa rakanaka, inofanirawo kupinda mumaruwa sezvo ichinyanya kuburitsa nhau dzemumadhorobha chete.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaOrbert Gutu, vanoti Studio7 inhepfenyuro yevanhu uye izvi zvinoonekwa nemukurumbira wainayo kumaruwa nemunzvimbo dzese munyika.

Izvi zvatsigirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, avo vanoti dai Studio7 yatepfenyura nemitauro yese inotaurwa muZimbabwe.

Asi mumiri weMakonde muNational Assembly, VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti nhepfunyuro iyi inofanira kutevedza mitemo yekutepfenyura muZimbabwe.

Asi vaimbonyorera bepanhau reDaily News zvakare vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti Studio7 iri kupa chitsvambe kunhepfenyuro dzese dziri munyika nekuti iri kuita basa rakanaka chose nekuburitsa nhau dzakajeka isingatuke kana kunyomba vanhu.

Doctor Ruhanya vanoti hazvivashamise kuti vamwe muhurumende havafariri Studio 7 nekuti vane zvakawanda zvavasingade kuti zviburitswe.

Vanoona nezvekushambadzwa kwezvirongwa musangano reMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe Chapter, VaTabani Moyo, vanoti Studio7 iri kubudirira uye iri kuita mukurumbira nekuti inoburitsa nyaya dzinofarirwa neveruzhinji.

Studio7 yakatanga kutepfenyura muna 2003 apo zvinhu zvainge zvakaoma panyaya dzekutepfenyura munyika.

Kunyange hazvo pave nenhepfenyuro dzakawanda munyika pari zvino vanhu vanoti nhepfenyuro idzi hadzina kunyanyosiyana nenhepfenyuro dzeZimbabwe Broadcasting Corporation sezvo vanhu vazhinji vakapihwa marezenisi vari mubato riri muhurumende reZanu PF.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG