Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 neZvinodhaka Zvokonzeresawo Zvirwere zvePfungwa


VaConstantino Chiwenga. (Courtesy Image)

Hurumende inoti chirwere cheCovid-19 pamwe nekushandiswa kwezvinodhaka zviri kuwedzera matambudziko echirwere chepfungwa munyika.

Vachiparura chirongwa cheZimbabwe Mental Health Strategic Framework and Mental Health Case nhasi muHarare, gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vati ongororo dzakaitwa munyika dzinoratidza kuti dambudziko rechirwere chepfungwa riri kuramba richikura munyika.

VaChiwenga vati ongororo dzakaitwa idzi dziri kuratidza kuti chirwere cheCovid-19 nekushandiswa kwezvinodhaka munyika ndezvimwe zvezvinhu zviri kukonzera kukwira kwedambudziko iri.

VaChiwenga vati zvakakosha kuti hurumende irambe ichitsvaka nzira dzekubatsira vane dambudziko iri vakati bazi ravo richange richishanda kuona kuti zvipatara zvakawanda zvibetsere vanedambudziko rechirwere chepfungwa.

VaChiwenga, avo vanove zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vatiwo bazi ravo riri kugadzirisawo kuti kuve nenzvimbo dzekurapira aana vadiki vanenge vane dambudziko iri.

Nyanzvi musangano nreZimbabwe National Association for Mental Health, Dr Ignatious Murambidzi, vaudza Studio 7 kuti vafadzwa zvikuru nekuparurwa kwechirongwa ichi icho chichange chichikoshesa nyaya dzehutano hwepfungwa.

VaMurambidzi vati kuburikidza nechirongwa ichi itarisiro yavo kuti mamwe matambudziko akadai sekushaikwa kwemishonga yevanorwara nepfungwa muzvipatara zveveruzhinji uye kushaikwa kwedzidziso yechirwere ichi pamwe neyambiro kune vanoshandisa zvinodhak,a achagadziriswa.

Nyanzvi mune zvehutano, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, vati hurumende inofanirwa kugadzirisa matambudziko ehupfumi senzira yekugadzirisa dambudziko rekusagadzikana kwepfungwa.

VaMadzorera vati vechidiki vari kushandisa zvinodhakwa nekuda kwehupenyu husina ramangwana rakajeka.

VaMadzorera vakurudzirawo kuti hurumende igadzirise matambudziko munyaya dzehutano kuitira kuti avo vanenge vawirwa nematambudziko akadai, vakwanise kunobatsirwa kuzvipatara pasina muripo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG