Accessibility links

Breaking News

#Mudzidzivhota Inoparurwa neVadzidzi muHarare


MDC Youth Assembly, Happimore Chidziva.
MDC Youth Assembly, Happimore Chidziva.

Vadzidzi vabva kuzvikoro zvepamusoro soro zvakasiyana-siyana vachitsigira bato re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vaungana neChishanu muHarare vachiparura chirongwa chekuti vadzidzi vakurudzirane kunonyoresa kunovhota pamwe nekuvhota musarudzo dza2018.

Chirongwa chaparurwa ichi chinonzi Hashtag Mudzidzivhota, Sifundivota muNdebele, uye Studentvote muChirungu.

Mumwe mudzidzi anodzidza kuChinhoyi University of Technology, Muzvare Netsai Marova, anoti chinagwa chavo ndechekuunganidzana sevechidiki kuti vakurudzirane kunonyoresa kunovhota.

Chirongwa ichi chakarongwa pasi peboka rinomiririra vadzidzi rinonzi Students Council.

Munyori muboka iri, Muzvare Memory Chitambo, vati chirongwa chavo charongwa nevanotsigira MDC T, vaine chinangwa chekukurudzira vadzidzi vese kuti vanovhota.

Muzvare Chitambo vati vadzidzi vanodawo kuisa pachigaro hurumende inonzwisisa zvido zvavo.

Mumwe mudzidzi, VaStephen Sarkozy Chuma, vatiwo magwaro mazhinji anoratidza kuti vechidiki vashoma shoma vakavhota musarudzo dza2013.

VaChuma vati izvi zvinosuwisa nekuti vechidiki ndivo vakawanda munyika uye ndivo vakatarisana nematambudziko ekuondomoka kwehupfumi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko murimwe sangano rinomiririra vadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaZivai Mhetu, vatikunyange hazvo sesangano vasina bato ravakarerekera, vanokurudzira vavhoti kunovhota.

Mukuru wevechidiki muMDC T-Youth Assembly, VaHappymore Chidziva, vaudzawo vechidiki ava kuti vakasataura musarudzo dza2018 vanenge vaparara.

VaChidziva vatiwo semutungamiriri wechidiki vanofara kana vechidiki vachironga zvekukurudzirana kunovhota musarudzo.

Mapato ezvematongerwo enyika ari kuita zvirongwa zvakasiyana-siyana zvekuedza kukwezva vechidiki kuti vavhote musarudzo dzegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG