Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chovhiringa Zvakanyanya Vadzidzi Vakawanda Munyika


Children From Zimbabwe

Huwandu hwevadzidzi vari kuramba vachibatwa nechirwere cheCovid-19 horamba huchikwira kuMasvingo nemamwe matunhu.

Izvi zvinotevera kubudiswa kwemashoko evana vakabatwa nedenda iri
nezuro mudunhu Masvingo ayo anoti vana makumi matanhatu nevashanu
vakabatwa neCovid-19 nezuro muzvikoro zvitanhatu.

Bazi revehutano rinoti mwana mumwe chete akabatwa paMashoko High nevana makumi maviri paChinorumba High kuBikita, vana vatanhatu vakabatwa nechirwere ichi paGutu High, vana makumi maviri nemumwe vakabatwa paMushayavanu High uye paDeure High pakabatwa vana gumi nevatanhatu.

Mumwe mubereki, Amai Joyce Mhungu, vati vave kutyira hupenyu hwevana vavo uye kukanganisika kwedzidzo muvana nenyaya yedenda iri.

Mumwe mubereki, Amai Entrance Takaedza, vati huremende yakamhanyira kuvhura zvikoro isina kugadzirira kudzivirirwa kwedenda iri zvakanaka muzvikoro.

Mutungamiri wesangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vati dambudziko iri ratekeshera muzvikoro zvose zviri munyika.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati hurumende
yakange yakagadzirira asi kuti vadzidzi nevadzidzisi vakauya vane chirwere ichi muzvikoro.

Mutauriri weProvincial Covid-19 Task Force muMasvingo, VaRodgers
Irimayi, vati panodiwa zvirongwa zvekudzidzisa vana mirawo
yekudzivirira denda iri muzvikoro kuti ridzikire.

Vamwe vabereki vanoti vava kutyira kuti vana vakawanda vachatadza kugadzirira kunyora bvunzo dzavo, kana kutotadza kunyora bvunzo idzi nepamusana pekurwara nedenda reCovid-19.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vapfumbamwe vakashaya nedenda reCovid-19 nezuro munyika yose, uye vanhu mazana maviri nemakumi masere nevashanu 285 vakabatwa nechirwere cheCOVID-19 nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru zvina nemazana mashanu nemakumi matanhatu, uye vabatwa nechirwere ichi vava zviuru zana nemakumi maviri nezvinomwe nemazana matatu ane makumi matanhatu nevasere, 127, 368.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga munyika vave mamirioni maviri
nezviuru mazana mapufumbamwe nezvisere nemazana mashanu ane gumi nevana, 2 908 514.

Vabayiwa nhomba yepiri munyika vave mamiriyoni maviri nechiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe ane makumi masere nevanomwe, 2,001
987.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti iri kuda kubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi munyika kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekurwisa denda reCovid-19

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG