Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voyaura Zvichitevera Kupera kweMabasa nePamusana peCovid-19


ZCTU President Peter Mutasa

Vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa avo munguva ino yeCovid-19 vanoti vari kutambura zvikuru sezvo vasina chekubata.

Mumwe wevanhu vakarasikirwa nemabasa, Va Luck Moyo, vanoti ivo nemhuri yavo vave kudya kamwe chete pazuva kubva pavakasiya basa kukambani yavaishandira.

VaMoyo vanoti basa ravo rinokwanisa kuraramisa mhuri yavo asi ikozvino havakwanisi kuenda kunoita basa iri sezvo vasina tsamba inovapa mvumo yokuenda kunzvimbo yavanenge vadaidzwa.

Mumwe akatarisana nedambudziko iri, Muzvare Melissa Jairosi, avo vane dhigiri reEngineering, vanoti vakapererwa nebasa muna Nyamavhuvhu gore rapera pakambani inoita zvokuvaka.

Vanoti nekushaya chekuita, vakafunga kuita basa rekutengesa hembe dzemumabhero nemuriwo wavanotenga kuMbare, sezvo vari kushaya basa ravakadzidzira kuEngland.

Mumwe mudzimai, Amai Mary Makuyana, vanoti vakamiswa basa vachangotanga kupfuya huku kumba kwavo zvokuti ndizvo zvave kuvararamisa.

Asi vanoti bhizimisi radzikira nokuti vanhu vavaitengesera huku idzi kum hofisi emuguta vakamiswawo mabasa uye mahofisi makuru akavharwa kubva gore rakapera.

Muzvare Dadiso Mudziwepasi vanoti vakadzingwa basa muchitoro chinotengesa zvokudya nembatya zvokuti vave kushanda mumba memumwe mudzimai ane tuckshop pamba pake, asi vanoti mari yavanotambira haisi kuvakwanira nemhuri yavo.

Mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Gift Mutasa, vanoti panofanirwa kuitwa hurukuro nehurumende kuti pawanikwe nzira dzokubatsira vanhu vane mabhizimisi akaparara uye nekubatsira vanhu vakadzingwa mabasa nenyaya yeCovid 19 iyo yakavharisa nyika.

VaMutasa vanoti huwori ndihwo hwasvitsa nyika pairi nhasi nokuti zviri pachena kuti mabhizimisi ari kubudirira ane chekuita nevanhu vari kutonga nyika ino.

Studio7 haina kukwanisa kuziva huwandu hwevanhu vakarasikirwa nemabasa avo nekuda kweCovid-19.

Gurukota revashandi nemagariro evanhu akanaka, Professor Paul Mavhima, vakaudza Studio7 nguva pfupi yapfuura kuti hurumende ine hurongwa hwekubatsira vanhu vakarasikirwa nemabasa avo munguva ino yeCovid-19.

Asi masangano anomirira vagari pamwe neevashandi munyika anoti hapana ruyamuro rwuri kupihwa vanhu nehurumende kuti vabatsirikane munguva ino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG