Nyika iri kurangarira nyanzvi yekunyora mitambo, zvedzidzo netsika, VaStephen Chipfunyise, avo vakashaya neMuvhuro muHarare.
VaChipfunyise, avo vanga vave nemakore makumi manomwe ekuberekwa, vakashaya mushure mekunetseka nechirwere chegomarara.
Vakambowewo munyori mubazi rezvedzidzo, mitambo netsika, uye vaitungamira pamwe nekushanda nemasangano ezvemitambo netsika akawanda kusvika mukushaya kwavo.
VaChipfunyise vakazvarwa mugore ra 1948 kuShurugwi, vakazodzidza kuZambia vasati vaenda kuAmerica kunoita zvidzidzo zvepamusoro, uko vakazobuda neMasters’ Degree mune zvemitambo.
Kubva muna 1978 kusvika 1981 vakazove mukuru wezvetsika muhurumende yeZambia, vachizosiya vachive mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe muna 1983.
Mugore rimwechete iroro, vakave mukuru wezvemitambo mubazi revechidiki, mitambo netsika muhurumende yeZimbabwe kusvika muna 1988, vakazobva vave kunoshanda semutewedzeri wemunyori muhofisi yemutewedzeri wemutungamiri wenyika.
Muna 1989, VaChipfunyise vakaumba chikwata cheCHIPAWO (Children‘s Performing Arts Workshop) icho chinobatsira vechidiki kusimudzira matarenda avo mune zvemitambo nemimhanzi.
Muna 1995 kusvika muna 2000, VaChipfunyise vakave munyori mukuru mubazi rezvedzidzo, mitambo netsika.
Kubva muna 2000, vakave chipangamazano mune zvemitambo netsika kusvika mukuzoshaya kwavo.
Vakavewo maneja mukuru weKingstons Entertainment (Pvt) Ltd kubva muna 2004 kusvika muna 2010.
Sahwira waVaChipfunyise, uye achiitawo zvemitambo, Daves Guzha, anoti VaChipfunyise vari kutarisirwa kuradzikwa muHarare neChishanu.
Guzha anoti VaChipfunyise vasiya vana vatatu vanoti David, Chipo naMartha, avo vavakaita nemudzimai wavo wekutanga Amai Tisa Chipfunyise, avo vakashaya muna 2004.
Pamusoro pevana vavo vatatu, VaChipfunyise vanonzi vanga vachibatsirawo vamwe vana vakawanda vanobva mumhuri yavo, pamwe nevamwe vanobva kumatunhu akasiyanasiyana emunyika vavanga vachibhadharira mari dzechikoro.
Vasiyawo mudzimai, Amai Phillipa Chidzura, avo vavakaroora muna 2016.
Facebook Forum