Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti nhengo dzavo dzinotambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende neChipiri, rekunyevenutsa mutemo unorambidza kupinzwa kwezvinhu kubva kunze kwenyika we Statutory Instrument 122.
Hurumende yakazivisa kuti yanyevenutsa mutemo uyu kuitira kuti vanhu pamwe nemakambani vabvumidzwe kupinza munyika zvinhu zviri kunetsa kuwana senzira yekurerutsa dambudziko rekushaikwa kwezvinhu zvakawanda muzvitoro zvemunyika.
Pari zvino nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwezvinhu zvakawanda zvinodiwa nevanhu zuva nezuva zvinosanganisira mafuta edzimotokari, zvekudya, zvekuvakisa zvekurimisa pamwe nemari yekunze, iyo inodiwa nevemabhizimusi kuti vakwanise kupinza zvitengeswa nezvinodiwa mukugadzirwa kwezvimwe zvinhu munyika.
Mutemo we Statutory Instrument 122 uyu wakadzikwa gore rapera wairambidza kupinzwa kwezvinhu zvinotarisirwa kunge zvichigadzirwa nemakambani emunyika senzira yekuchengetedza makambani aya kubva kuzvigadzirwa zvekunze, izvo zvinowanzozara muzvitoro.
Facebook Forum