Accessibility links

Breaking News

Vanotenga Kunze kweNyika Votambira Kuvandudzwa kweMutemo weSI 122


vinhu zvakaita semafuta ekubikisa zvinonzi zvave kunetsa kuwana muzvitoro.
vinhu zvakaita semafuta ekubikisa zvinonzi zvave kunetsa kuwana muzvitoro.

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti nhengo dzavo dzinotambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende neChipiri, rekunyevenutsa mutemo unorambidza kupinzwa kwezvinhu kubva kunze kwenyika we Statutory Instrument 122.

Hurumende yakazivisa kuti yanyevenutsa mutemo uyu kuitira kuti vanhu pamwe nemakambani vabvumidzwe kupinza munyika zvinhu zviri kunetsa kuwana senzira yekurerutsa dambudziko rekushaikwa kwezvinhu zvakawanda muzvitoro zvemunyika.

Pari zvino nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwezvinhu zvakawanda zvinodiwa nevanhu zuva nezuva zvinosanganisira mafuta edzimotokari, zvekudya, zvekuvakisa zvekurimisa pamwe nemari yekunze, iyo inodiwa nevemabhizimusi kuti vakwanise kupinza zvitengeswa nezvinodiwa mukugadzirwa kwezvimwe zvinhu munyika.

Mutemo we Statutory Instrument 122 uyu wakadzikwa gore rapera wairambidza kupinzwa kwezvinhu zvinotarisirwa kunge zvichigadzirwa nemakambani emunyika senzira yekuchengetedza makambani aya kubva kuzvigadzirwa zvekunze, izvo zvinowanzozara muzvitoro.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG