Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti MDC Alliance Iri Kushanda neDzimwe Nyika Kuti Itore Chigaro


Vatsigiri veMDC Alliance
Vatsigiri veMDC Alliance

Gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika, State Security, VaOwen Ncube, vanoti bato reMDC Alliance riri kushanda nenyika dzekunze kuti hurumende ibviswe pahutongi.

VaNcube vakataura mashoko aya kuvatori venhau neMuvhuro asi pasina humbowo hwavakapa uye vakaramba kupindura mibvunzo yevatori venhau.

Mugwaro ravakaverenga, VaNcube vakati kugadzikana nekuchengetedzeka kwenyika kuri kuda kurwiswa nevanhu vari munyika nekunze kuitira kuti hurumende iripo ibviswe.

VaNcube vakapomera MDC Alliance mhosva yekukonzera kusagadzikana mubato reZanu-PF, vachiti MDC Alliance iri kushanda nevanhu vaimbove muZanu-PF vachizviti G-40 kuti vavhiringe bato reZanu-PF.

VaNcube vakati MDC Alliance iri kutaura manyepo kunyika dzekunze pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti zvataurwa naVaNcube hazvina nematuro ose nekuti vanhu vose vanoziva kuti Zanu-PF ndiyo iri kushungurudza vanhu.

Vati, nezviito zvayo, Zanu-PF ndiyo iri kukonzera nyika dzekunze, pamwe chete nemasangano anorwira kodzero dzevanhu, kuti dzione zviri kuitika munyika.

Vati kutyorwa kwekodzero dzevanhu hakutaurwe nokuti kodzero dzevanhu dzinongotyorwa pachena, vanhu vakatarisa.

“Hapana chikonzero chekutaura zvinhu zviri kuonekwa nevanhu vese zvichiitika pachena. Vanhu vanozvionera vega,” vadaro VaHlatywayo.

Vati zviri kuitwa neZanu-PF kuna Muzvare Joana Mamombe zviri kuonekwa nekunzwikwa nevanhu pasi pose uye hazvisi zvinovanzika.

VaHlatywayo vati kana Zanu-PF yotanga kutaura ichidai, inenge ichitsvaka nzira yekusunga nayo vanhu.

Vanoti Zanu-PF iri kutsvaka chikonzero chenhema kuti ishungurudze vunhu, ivhiringe mapato ezvematongerwo enyika nemasangano anomirira vashandi, pamwe chete nekusunga vatungamiri vemasangano aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG