Accessibility links

Breaking News

ZIBAWU Inoti Standard Bank Haina Chido cheKusimudzira Nyika


ZIBAWU Inoti Standard Bank iriKuburitsa Mabasa neMari Munyika
ZIBAWU Inoti Standard Bank iriKuburitsa Mabasa neMari Munyika

Sangano rinomirira vashandi vemumabhanga, re Zimbabwe Banks and Allied Workers Union, rinoti Standard Bank iri kuvhara mabhanga ayo mumaguta madiki akaita se Hwange, Chiredzi, Chinhoyi nemamwe, nekuti bhanga iri haridi kubatsira Zimbabwe kuti ibudirire.

Mashoko aya anotevera mashoko ebhanga iri ekuti riri kuvhara mabhanga aro mumaguta madiki nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Munyori mukuru weZimbabwe Banks and Allied Workers Union, VaPeter Mutasa, vanoti vashandi vavo vakawanda vari kurasikirwa nemabasa nepamusoro pemaitiro ebhanga iri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reStandard Bank.

Hurukuro NaVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG