Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveRugby neCricket Zvotarisira Mhepo yeShanduko muMitambo Yazvo


Vatambi vemutambo we rugby vemunyika vanonzi vaitatarika mumitambo yavo yapfuura.

Zvikwata zvenyika zvemutambo werugby necricket zviri kupinda munhandare mukupera kwesvondo rino zvichitarisira shanduko.

MaSables apinda munzira akananga kuKenya kumutambo wavo wechipiri we2018 Africa Gold Cup uyo uri kushandiswa zvekare senzira yekuenda kuma2019 World Cup ayo achaitirwa kuJapan.

Maziso ese evateveri vemutambo we rugby ari pamuraidzi mutsva wemaSables Peter de Villiers, uyo akapihwa chinangwa chekuendesa Zimbabwe kuWorld Cup apo akatambidzwa basa iri achitsiva Cyprien Mandenge.

De Villiers haana kutanga basa rake zvine mutsindo mushure mekunge maSables akaita mangange 23-23 neMorocco pamusha muHarare Sports Club zvekuti anofanira kukunda mumutambo uyu kuti maSables arambe ari munzira yekuenda kuJapan.

Asi akazotevera mutambo uyu nekutora chikwata chake kuenda nacho kuSouth Africa kunosimbisa gadziriro yemakwikwi aya zvekuti ave kutarisira kuti chave nemwongo.

Muteveri wechikwata cheOld Hararians VaSabastien Muchawaya vanoti semaziviro avo De Villiers haasi kukundikana mudonzvo iri vachiti ivo anonokunda kuKenya.

Zimbabwe ine nhoroondo yakasimba pamitambo yayo neKenya zvekuti pamitambo gumi neminomwe yavasangana maSables akunda mumitambo gumi nemumwechete, Kenya ichikunda mumitambo mitanhatu chete.

Asi VaMuchawaya vanoti veZimbabwe havafanire kutarisa zvakamboitika asi kuisa pfungwa pamatambiro avo. Kenya yacho yakarova Morocco 28-24 muCasablanca mumutambo wavo wekutanga.

De Villiers aunganidza chikwata cheZimbabwe chasimbisisa chichange chichitungamirwa naDanford Mutamangira chichisanganisirawo vatambi vane mukurumbira vakaita saFortune Chipendu,Tafadzwa Mhende, Lucky Sithole, naFarai Mudariki.

Vakapedza neKenya, vatambi veZimbabwe vari kuenda kuTunisia musi wa 7 Chikunguru, vozotamba neNamibia neUganda.

Zimbabwe yapedzisira kuenda kuWorld Cup muna 1981.

Zvichakadaro, chikwata chemutambo we kiriketi chemaChevrons chiri kupindawo muHarare Sports Club neSvondo, chiine tarisiro yekukunda Pakistan, kuti chipedze pfungwa dzacho dzekutadza kubudirira kuenda ku2019 World Cup.

Uyo ndiwo mutambo wekutanga wezvikwata zvitatu kusanganisirawo Australia, mutauriri weZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vachiti veruzhinji vanofanira kuuya kuzokurudzirira chikwata chavo.

Chikwata chemaChevrons zvekare chine murairidzi mutsva Lalchand Rajput weku India uyo ari kutarisira kutanga basa rake zvine mutsindo mushure mekutora basa iri kubva kuna Heath Streak.

Asi Zimbabwe ichange isina vamwe vatambi vayo vane mbiri Brendan Taylor, Graeme Creemer, Sean Williams na Craig Irvine, avo vakasiiwa nemhaka yegakava remari yemuhoro riripo pakati peZimbabwe Cricket nevatambi.

Asi VaMajonga vanoti Zimbabwe ichangokunda zvakadaro.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG