Chikwata chenhabvu chemaWarriors chakwanisa kupa vana veZimbabwe mufaro munguva iyo nyika iri kuchema tsaona yakakonzerwa nedutumupengo Cyclone Idai, zvichitevera kubudirira kwachaita kuenda kumafainari emakwikwi e2019 Africa Cup of Nations achaitirwa kuEgypt gore rino.
Izvi zvinotevera kurova kwaita chikwata chemaWarriors Congo Brazzaville 2-0 mumutambo wacho wekupedzisira watambirwa munhandare yeNational Sports Stadium muHarare.
Zvibodzwa zveZimbabwe zvabva kuna Khama Billiat kwapera maminitsi makumi maviri, nechimwe chabva kuna kaputeni wema Warriors, Knowledge Musona, kwapera maminitsi makumi matatu nemanomwe echikamu chekutanga chemutambo uyu.
Zimbabwe, iyo yanga ichingoda poindi imwechete chete, yabatana neDemocratic Republic of Congo sezvikwata zviviri zvabva mugungano reGroup G zvabudurira kuenda kuEgypt, iyo yarovawo Liberia 1-0 mumutambo watambirwa kuKinshasa.
Muongorori wemitambo Muziwethu Hadebe, anoti anoona chikwata ichi chichiita mashiripiti kuEgypt kana chete chakatsigirwa nemari yekuti chikwanise kuita gadziriro izere.
Hadebe anoti mune dzimwe gadziriro dzema Warriors, vatambi vaikundikana kuwana zvikwanisiro zvavanoda mugadziriro nekuda kwekuti panenge pasina rutsigiro.
Facebook Forum