Accessibility links

Breaking News

Vatambi veRugby Vanorara Panze muMugwagwa kuTunisia


Vatambi vechikwata chema Sables vakaramba kurara muhotera yavanoti yaive isina kutsvinda.

Vatambi vechikwata chenyika che rugby chema Sables vakaenda kuTunisia kumakundano ekutsvaga chikwata chinopinda kumakwikwi epasi rose emutambo uyu vakarara mumugwagwa usiku hweMuvhuro mushure mekuramba kupinda muhotera yavakanga vapiwa, iyo vakati yaive isingawirirane nezviga uye zvibvumirano zvavo neRugby Africa pamwe neTunisia Rugby Union.

Rwendo rwavo rwakatanga kunetsa vachisvika munyika iyi apo vanonzi vakamiswa neveboka rekupinda nekubuda munyika iyi kwemaawa matanhatu vachitambura kuti vawane mavhiza ekuti vapinde muTunisia.

Vaimbove Gurukota rezvemitambo VaDavid Coltart vakanyora padandemutande nezvekusamira zvakanaka kwezvinhu kuTunisia, asi mukuru we sangano re Zimbabwe Rugby Union VaAaron Jani vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvagadziriswa.

VaJanhi vanoti masangano eRugby Africa neTunisia Rugby Union akazonyorerawo chikwata cheZimbabwe achikumbira ruregerero nezvakanga zvaitika.

zvikwata zvemitambo yakasiyanasiyana zvakawanda zvenyika dzekumaodzanyemba zvinozivikanwa nekubata zvimwe zvikwata zvinenge zvashanyira nyika idzi nekunze kweruoko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG