Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoiswa muGungano Rimwechete neCameroon muMakwikwi eCHAN 2020


Chikwata chemaWarriors chaiswa mugungano rimwechete neCameroon, iyo ichange iri pamusha mumakwikwi eCHAN 2020.
Chikwata chemaWarriors chaiswa mugungano rimwechete neCameroon, iyo ichange iri pamusha mumakwikwi eCHAN 2020.

Chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chichange chichivhura makwikwi African Nations Championship, kana kuti CHAN, mumutambo wacho wekutanga neCameroon, iyo inenge iri pamusha mumakwikwi egore rino.

Dzimwe nyika dziri mugungano rekutanga reGroup A pamwechete neZimbabwe neCameroon dzinoti Mali neBurkina Faso.

Izvi zvinotevera kusarudzwa kwezvikwata zvichiiswa mumagungano mana kana kuti magurupu, kwaitwa muguta guru reCameroon reYauonde manheru eMuvhuro.

Gungano repiri reGroup B richaona zvikwata zvinoti Libya, DR Congo, Congo neNiger zvichitatsurana, kuchitiwo chikwata cheMorocco, icho chine mukombe uyu pari zvino, chaiswa muGroup C, umo mune Rwanda, Uganda neTogo.

Gungano rekupedzisira, reGroup D rine Zambia, Guinea, Namibia neTanzania.

Makundano eChan anokwikwidzwa nevatambi vanotambira zvikwata zvemunyika dzavo chete.

Makwikwi egore rino ari kutanga musi wa4 Kubvumbi achitarisirwa kupera musi wa 25 Kubvumbi.

Zimbabwe yakasvika muma semi-final emakwikwi eCHAN muna 2014, uye vakawanda vari kutirisira kuti gore rino inokwanisa kudarika apa sezvo yave nemurairidzi mutsva, Zdravko 'Loga' Logarusic.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG