Accessibility links

Breaking News

Mutambi weTsiva wekuMasvingo, Boika, Osangana naDarwan wekuAfrghanistan muMutambo weTsiva Uri kuDubai


Boika ane mabhande eWorld Boxing Organization (WBO) Africa Welterweight  Champion, uye World Boxing Federation Intercontinental Champion

Vatsigiri vemutambo wetsviva muMasvingo vari kutsigira shasha yezvibhakera inogara muguta ravo, Brendon Boika Denis, uyo ari kupinda munhandare usiku huno achitatsurana naAhmed SamirDarwan weku Afghanistan pamutambo wetsviva uri kuitirwa kunyika yeUnited Arab Emirates Mugovera manheru.

Boika, uyo anova shasha ine bhande reWorld Boxing Organization (WBO)
Africa Welterweight Champion, uye World Boxing Federation
Intercontinental Champion, achachinjana zvibhakera naDarwan mumutambo une maraundi matanhatu uri kuitirwa paArabian Ranches Golf Club.

Vatsigiri vaBoika muguta reMasvingo vati vachange vachimutsigira kuti
akunde mumutambo uyu vachitivera chiitiko ichi pamasaisai einternet
kana pamadandemutande nezvivhitivhiti zvichange zvichiburitsa mutambo uyu.

Mumwe mutsigiri wetsiva, VaKudzai Mupamhanga, vati vanovimba kuti Boika, acharakasha chikomana chekuAfghanistan chaizvo uye vanenge
vachimutsigira kunyange mutambo uyu uri kuitirwa kure nenyika yeZimbabwe.

Izvi zvatsinhirwa neimwe shasha yemutambo weKarati, Simbarashe Mapfumo, uyo ati ari kunamatira mumwe wake kuti akurire Darwan kuitira kuti arambe ane mikombe yake.

Achitaura neStduio 7 ari kuDubai, Boika, ati ane chivimbo chekuti
achakunda mumutambo wake achiti akagadzirira zvakakwana kutatsurana
naDarwan. Ati acharwa achiziva kuti vatsigiri vake kumusha vanaye mumweya nemuminamato nekudaro acharwa semvumba.

Mumwe murairidzi wetsviva, uye aimbova shasha yenyika yose muchikamu che National Lightweight Champion, Emmanel Staff Nyika, akurudzira Boika kuti ashinge uye apotsere zvibhakera zvematsenganzungu zvine simba kuti
akwanise kudonhedza Darwan maraundi matanhatu asati apera kana kuti TKO.

Boika uyo ari muchikwata chetsiva cheCharles Manyuchi Boxing Academy,
anenge ari mumwe wevamwe vacharwa pamitambo mitatu yetsiva iri kuitwa manheru ano.

Akakunda mumutambo uyu Boika anenge awana mukana wekunorwa kunyika ye UnitedStates of America muna Chikunguru gore rino nevarwi vepamusoro vekunyika dzekumadokero.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG