Accessibility links

Breaking News

Ndichine Bhande Rangu reWBC Silver Welterweight-Manyuchi


Nyanzvi yemukombe weWBC Silver Welterweight Charles Manyuchi
Nyanzvi yemukombe weWBC Silver Welterweight Charles Manyuchi

Mutambi wetsiva ane mukurumbira munyika Charles Manyuchi aramba mashoko ari kubuda ekuti akarasikirwa nebhande rake reWorld Boxing Council silver welterweight nekuti haana kuridzivirira mukati memwedzi mitanhatu.

Bepanhau reHerald raburitsa nyaya yekuti mumwe mutambi wetsiva wekuRussia, Dmitry Mikhaylenko akashandisa mukana wekusarwa kwa,Manyuchi munguva yakatarwa ndokuenda nerweseri kunotora bhande iri.

Asi Manyuchi anoti aya anogona kunge ari manyepo nekuti iye kana maneja wake vasati vaziviswa nezvedanho iri.

“Anotanga kuziviswa ndi manager, ende isisu hatina kutadza ku defender belt hatina kukoniwa. Pane ma rules anoitiwa mu boxing. Munhu anongomuka akanyora mubepa kuti atorerwa bhande, ko mangwana akazonzwa kuti harina kutorwa nekuti bhande ini ndini ndinaro nekuti ini ndiri champion and ndakatosaina contract yekunorwa kuSingapore musi wa 17 February fight yaka sanctionwa neWBC, WBC haingaita benzi zvekuti inga sanctioner ichiziva kuti bhande yakatora,” Manyuchi anodaro.

Manyuchi anoti ari kutotarisirwa kurwa nemutambi weku Uzbekistan anonzi Qudratilo Abduqaxorov munaKukadzi wegore rinouya sedanho rekudzivirira bhande rake.

Hurukuro naCharles Manyuchi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG