Accessibility links

Breaking News

VaGono Vanoudza Paramende Kuti Kambani Inokwezva Mabhizinesi Haina Mari


Va Gideon Gono
Va Gideon Gono

Kambani iri kutarisirwa nehurumende kuti ichasimudzira hupfumi nekupa makambani mukana wekugadzira zvinhu achitengesa kunze nemutemo yakareruka, yeSpecial Economic Zones Authority, haina kana mari, mahofisi kana vashandi zvekuti nhengo dzeparamende dzashamisika kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kufamba vachipembedza zvinhu pasina chiri kuitika.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nemabhizimisi, sachigaro vebhodhi rekambani iyi, VaGidion Gono, vati kambani iyi haina kana hofisi zvayo uye ivo nebhodhi ravo ndivo vari kutoita basa rinofanira kunge richiitwa nevashandi avo vasipo.

VaGono vati kumbani iyi iri kushandira kumahofisi avo pachavo uye nhengo dzebhodhi iri dziri kushandisa mari yadzo kuita basa rekambani iyi.

Vati pave nemwedzi misere kambani iyi yaumbwa uye vakatodoma vanhu vavanoda kuti vatungamire kambani iyi asi hurumende haisati yasarudza kuti ndiyani anofanira kuva mukuru wekambani iyi.

VaGono vati maSpecial Economic Zones ane mukana wekusimudzira hupfumi hwenyika nekukasika pamwe nekupedza dambudziko remari munyika nekuti pakaita makambani akawanda anogadzira achitengesa kunze, hupfumi hunofamba zvakanaka.

VaGono vaudza komiti kuti kambani iyi yakaumbwa iri pasi pebazi reMacroeconomic Planning and Development muhurumende yaive yaVaRobert Mugabe.

Asi zvichitevera kupinda kwaVaMnangagwa, vati havasi kuziva kuti vava pasi pebazi ripi.

Vati vakatonyorera kumahofisi emutungamiriri wenyika vachibvunza nezvenyaya iyi uye havasati vawana mhinduro.

Imwe nhengo yekomiti iyi, Amai Tabeth Malinga, vati hazvifadzi kuti mutungamiriri wenyika anopinda mumisangano kunze kwenyika achipembedza maSpecial Economic Zones asi ipo pasina chiri kuitika munyika.

Vayambirawo VaGono nebhodhi ravo kuti vasiyane nekushandisa mari yavo kuita basa rehurumende vachiti kana hurumende ichikoshesa Special Economic Zones Authority inofanira kudira mari mukambani iyi.

Izvi zvatsigirwawo nedzimwe nhendo dzekomiti iyi.

Vanongoorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti humbowo hwaturwa kuparamende naVaGono haufadzi zvachose uye zvaratidza kuti hurumende iri kuwanza mutauro pasina zvairi kuita.

Vati maSpecial Economic Zones akakosha uye dzimwe nyika dzakabudirira nawo nokudaro hurumende inofanira kukoshesha kambani iyi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJohn Masimba Manyanya, vaudza Studio7 kuti zvataurwa naVaGono zvinotyisa.

Vaenderera mberi vachiti havawoni chinotadzisa hururmende yaVaMnagwagwa kugadzirisa nyaya yemaSpecial Economic Zones nekukasika.

Vati zvinonyadzisa kuti vanhu vekunze vanoda kushandira mumaSpecial Economic Zones vauye munyika vosvikoona kuti kambani iyi haitomborina kana hofisi zvayo.

Asi VaGono vati zvisinei nekuoma kwakaita zvinhu vari kutoita basa uye bhodhi ravo rakatopa imwe kambani yekuChina mvumo yekumutsiridza kambani yeZISCOSTEEL nemari indarika bhiriyoni remadhora.

Vatiwo pari zvino pane makambani anodarika makumi matatu akatonyorera kubhodhi ravo achida kupihwa nzvimbo yekushanda mumaSpecial Economic Zones aya.

Pari zvino hurumende yakadoma nzvimbo yeSunway City kuRuwa, guta reBulawayo nedhorobha reVictoria Falls sema Special Economic Zones.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG