Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotaura Pamusoro peMusangano weUNGA


UNGA
UNGA

Vanhu vakawanda munyika vanoti musangano weUnited Nations General
Assemly, UNGA, wakakosha sezvo uchigadzirisa matambudziko ari munyika dzakasiyana siyana.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, VaAlex Magaisa, vanoti gungano reUNGA rakakosha sezvo richiunganidza vatungamiri venyika dzose vachitaurirana zvavanenge vachida kuti zvinzwikwe nevamwe zvinenge zvichinetsa munyika dzavo.

Asi VaMagaisa, avo vaive chipangamazano chikuru chemutungamiri wehurumende munguva yehurumende yemubatanidzwa, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vanoti UNGA inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti imirire
nyika dzose, kwete kupa simba nyika dzinowana kudarika dzinonetseka seZimbabwe.

Mukuru wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanotiwo UNGA yakakosha sezvo ichipa vatungamiri venyika mikana yekuzeya zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kuti pave nerunyararo pasi rose,kubudirira kwenyika, uye kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekuderedza hurombo pasi rose.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanotiwo UNGA yakakosha sezvo pasina nyika inogona kurarama iri yega.

Mutauriri webato reMDC T, VaWitness Dube, vanoti mutungamiri wenyika,
VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kugadzirisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika, vachiteerera zviri kutaurwa nedzimwe nyika uye kutiwo dzimwe nyika dziteererewo VaMnangagwa kuitira kuti Zimbabwe ibude mumatambudziko airi ezvehupfumi nezvematongerwo enyika.

Musangano weUnited Nations ndewechimakumi manomwe nematanhatu kubva zvawavambwa muna 1945 nenyika makumi mashanu neimwe chete
mushure mehondo yechipiri yepasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG