Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoudzwa Kuti VaBiti, VaChikwinya neVamwe Vavo Vakabva kuPDP, Havasisiri Nhengo dzeBato Iri.


Tendai Biti, the head of the People’s Democratic Party speaking to reporters in Harare, July 14, 2018, has fled to neighboring Zambia seeking asylum.
Tendai Biti, the head of the People’s Democratic Party speaking to reporters in Harare, July 14, 2018, has fled to neighboring Zambia seeking asylum.

Paramende yazivisa nhasi kuti yakatambira tsamba kubva kubato rePeople’s Democratic Party (PDP) richivazivisa kuti pane nhengo dzaro sere dzinosanganisira mumiriri weHarare East, VaTendai Biti, dzinofanira kudzingwa muparamende sezvo dzisisamirire zvido zvebato iri.

PDP inoti nhengo idzi dzakapinda muparamende dzakamirira PDP muMDC Alliance.

Mutsamba yavo kuparamende, uye yaverengwa mudare reNational Assembly nemutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, munyori wePDP, VaBenjamin Rukanda, vati vasere ava vakapinda musarudzo vakamirira PDP muMDC Alliance iyo yainge yaumbwa nemapato manomwe zvichitevera chibvumirano chaainge aiita musi wa5 Nyamavhuvhu 2017.

Vasere ava mumiriri weHarare East, VaTendai Biti; mumiriri weKambuzuma, VaWillias Mdzimure; mumiriri weMbizo, VaSettlement Chiklwinya; mumiriri weNkulumane, VaKucaca Phulu; mumiriri wePumula, Amai Sichelisile Mahlangu, pamwe nemumiriri weMutasa South, nVaRegai Tsunga Mutasa.

VaRukanda vati chibvumirano ichi chinoti mapato aya anoramba akazvimirira, uye aisarudza nhengo dzaiamirira muMDC Alliance pasarudzo dza2018.

VaRukanda vati vese vadomwa ava havachamirira PDP nekudaro vanofanira kudzingwa muparamende. Ngatinzwei VaMudenda vachiverenga tsamba YaRukanda

VaRukanda vati vari kutarisira mhinduro kubva kuparamende.

Tsamba yaVaRukanda yatumirarwa kumapato aive muchibvumirano ichi anoti, MDC Tsvangirai, MDC Ncube, MultiRacial Christian Democracts, Zanu Ndonga, Zimbabwe People First neTransform Zimbabwe.

Mutauriri wePDP, VaNqobizitha Khumalo, vaudza Studio 7 kuti hongu bato ravo rakanyora tsamba iyi nezuro uye vari kutarisira kuti paramende ichadzinga vasere ava.

Asi mumwe wevanzi vadzingwe muparamende, VaMadzimure, vaudza Studio 7 kuti havatombiziva kuti Rukanda ari kuda kuvadzinga basa ndiyani uye patori nenyaya dzake dziri kumatare.

VaBiti vati VaRukanda havana mvumo yekuvadzinga, uye vatiwo vamirira kunzwa kubva kubato ravo reMDC Alliance kuti votora danho ripi.

Nyaya yemakakatanwa nekusagadzikana kwezvinhu muzvikwata zveMDC kwakonzera kudzingwa kwenhengo dzeparamende dzakawanda kubva pazvakatanga gore rapfuura.

Kusvika pari zvino MDC- T inotungamirirwa, naVaDouglas Mwonzora, yadzinga nhengo dzeparamende dzinodarika makumi matatu kubva kumatare eSenate neNational Assembly.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, VaPride Mukono, vaudza Studio 7 kuti hapana chinoshamisa pane zvaitika nhasi sezvo zvakamboitika zvekare gore rapfuuura.

Vatiwo izvi hazvifanira kudzorera vemapato anopikisa kumashure asi kuti vanofanira kubatana varomba vachirwira kuti munyika muve nehutongi hwejekere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG