Accessibility links

Breaking News

Masangano eSADC neAfrican Union Anoyambirwa Pamusoro Pezvirikuitika muSouth Africa


Sangano remakanzuru emakereke echi Kristu munyika dziri kuchamhembe kwe Africa, reFellowship of Christian Councils in Southern Africa, kana kuti FOCCISA, rayambira masangano eSADC neAfrican Union kuti asaita zvekutamba nezvirikuitika muSouth Africa asi kuti ashande nesimba kudzivirira zviri kuitika izvi kuti zvisaramba zvichiitika.

FOCCISA yati panofanirwa kuve negwara rekuti zvisarambe zvichiitika sezvo kasiri kekutanga vanhu vemu South Africa vachiita mhirizhonga vachiuraya vekunedzimwe nyika.

FOCCISA isangano remakanzuru emakereke echiKristu emunyika dzese dziri kuchamhembe kweAfrica.

Sangano iri ririkuti vanhu vemunyika dzakasiyana siyana vanoenda kwese kwavanoona kuti vangawana chekuita kuti variritire mhuri dzavo.

Sachigaro weFOCCISA, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo raudza SADC neAfrican Union kuti dzibatsire nyika dzinevanhu vazhinji vanobuda madziri vachienda kunotsvaka mararamiro kunedzimwe nyika, vachitizve nyika idzi dzinogona kuve nedambudziko rekusagadzikana mune zvematongerwo enyika kana munyaya dzezvehupfumi hwenyika naizvozvo dzinofanirwa kubatsirwa kuti zvinhu zviite zvakanaka mukati madzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG