Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vari Kuwanikwa Vaine Zvinhu Zvisina Magwaro Anoratidza Kuti Vakazvitenga Kupi Vari Kusungwa muSouth Africa


Mapurisa emuSouth Africa anoti akakwanisa kumisa kubuda munyika iyi kwezvimwe zvezvinhu zvakabiwa muzvitoro mumhirizhonga yakaitika munyika iyi kubva musi wa 08 Chikunguru zvichitevera kukandwa mujeri kwevaive mutungamiri wenyika, VaJacob Zuma, vachipomerwa mhosva yekuzvidza dare.

Mugwaro raakaburitsa neMuvhuro padandemutande reTwitter, mapurisa aya anoti zvinhu izvi zvakakwanisa kuwanikwa kumuganho wenyika iyi neZimbabwe weBeitbridge, uye muganhu neBotswana weGrodlersbrug, zvave kuda kuburitswa muSouth Africa kupinda muZimbabwe.

Gwaro remapurisa iri raikurudzirawo veruzhinji kuti vasatenga zvinhu zvakabiwa izvi, uye kuti vazivise mapurisa nezvevanhu vanenge vachitengesa zvinhu izvi.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mapurisa eSouth Africa kuti tinzwe kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingani zvakasungwa zviine zvinhu zvinofungidzirwa kuti zvakabiwa izvi.

Mukuru wesangano revanorarama nekutenga pamwe nekutengesera zvinhu kunze kwenyika, reInternational Cross-Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti ichokwadi kuti mapurisa ari kusunga vanhu vanenge vasina mapepa ezvinhu zvavanenge vainazvo.

VaJuru vanoti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvakasungwa mushure mekuwanikwa zviine zvinhu zvakawanda zvisina humbowo hwekuti zvakatenga kupi zvinhu izvi.

VaJuru vaudza Studio7 kuti vanhu vagare vaine mapepa anoratidza humbowo kwavakatenga zvinhu nekuti vakawanikwa vasina magwaro aya, vanosungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG