Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaRamaphosa Dzasangana naVaMnangagwa Dzinodzokera Dzisina Kusangana neVanopikisa


Amai Baleka Mbete ndemumwe wenhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa dzasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa asi hadzina kusangana nevanopikisa hurumende.
Amai Baleka Mbete ndemumwe wenhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa dzasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa asi hadzina kusangana nevanopikisa hurumende.

Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, dzapinda munyika neMuvhuro masikati dzakasvikosangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi dzakakundikana kusangana nevemapato anopikisa murwendo rwadzo rwekuedza kunzwisisa nezvematambudziko anonzi ari muZimbabwe, uye kuti angagadziriswa sei.

Vapinda munyika ndaAmai Baleka Mbete, avo vakambove mutevedzeri wemutungamiri wenyika pamwe nekumbove mutauriri wedare reparamende, VaSydney Mufamadi, avo vakambove gurukota rezvevasori, VaNgoako Ramatlhodi, avo vakambove mutungamiri wedunhu reLimpopo pamwe naAmbassador Ndumiso Ntshinge.

Dzisati dzapinda munyika, nhumwa idzi dzinonzi dzakanga dzaronga kuzosanganawo zvakare nevanopikisa vanosanganisira bato reMDC Alliance rinotungamirirwa naVanelson Chamisa pamwe neMDC-T inotungamirirwa nevakafanobata chigaro, Muzvare Thokozani Khupe.

Asi mushure mekusangana naVaMnangwagwa, chikwata chenhumwa ichi chinonzi chabva chadzokera kumusha kwacho.

Mutauriri weMDC Alliance Muzvare Fadzai mahere vazivisa kuburikidza negwaro ravanyora kuti bato ravo raswera rakagarira kusangana nenhumwa idzi mushure mekunge vaziviswa zviri pamutemo kuti vaifanirwa kuzosangana.

Vati chikwata chavo chaswera chakamirira musangano uyu, asi chazoshamisika kuudzwa kuti nhumwa idzi dzave kudzokera kuSouth Africa kunotanga dzapira VaRamaphosa zvadzakurukura naVaMnangagwa.

Muzvare Mahere vati sebato vanongofungira chete kuti kukundikana kwechikwata ichi kusangana navo kwakonzerwa nezviri kudiwa nechikwata chiri kumirira Zanu PF.

Vati hurumende yeZimbabwe haina zvainokwanisa kuita kugadzirisa matambudziko ari munyika, uye ivo vacharamba vachisunda VaMnangagwa kuti vapinde munhaurirano dzinoburitsa chimuko nekugadzirisa matambudziko ari munyika.

Mutauriri webato reMDC-T, VaKhalipani Phugeni vaburitsawo gwaro vachiti bato ravo rakafonerwa neMugovera nemumiriri weSouth Africa muZimbabwe, VaPhakama Mbete, vachivazivisa kuti nhumwa idzi dzaizoda kusangana nemutungamiri webato ravo Muzvare Khupe pamwe nebato ravo kuti vazeye matambudziko anonzi ari munyika aya.

Asi VaPhugeni vati bato ravo razofonerwa zvakare neMuvhuro naVaMbete vachivazivisa kuti chikwata ichi chakanga chisisakwanise kusangana navo, nekudaro musangano uyu wakanga waendeswa mberi.

Vanoti sebato vatambira chiitiko ichi uye vachataramba vaine tarisiro yekuti VaRamaphosa naVaMnangagwa vachagadzirisa matambudziko ari kunetsa muZimbabwe.

Chikuru chakaita kuti VaRamaphosa vatume nhumwa dzavo kuZimbabwe inyaya yekutyorwa kunonzi kuri kuitwa kodzero dzevanhu nehurumende yaVaMnangagwa, izvo zvinonzi zvaita kuti nhengo zhinji dzebato rinopikisa reMDC Alliance pamwe nevemasangano akazvomirira nevamwe vatori venhau vatize misha yavo.

Kusungwawo kwemutori wenhau ane mukurumbira Hopewell Chin’ono pamwe nemutungamiri webato rinopikisa retransform Zimbabwe, VaJocb Ngarivhume pamwe nekupambwa uye kuitwa kafiramberi kwevanoonekwa sevari kupikisa hurumende kunonzi kuri kuramba kuchienderera mberi munyika, ndezvimwe zvoita kuti hurumende ishoropodzwe nevakawanda.

Asi hurumende pamwe nebato reZanu PF vagara vachiti munyika hamuna dambudziko riri kutaurwa nezvaro iri, asi kuti pane vari kuda kusvibisa zita renyika vachishanda nedzimwe nyika dzekumwairira.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitunga bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe vanoti zvaitwa nehurumende yeSouth Africa zvekutumira nhumwa changa chiri chinhu chakanaka chinofanirwa kuitwa nemuvakidzani ane hany'a kana akanzwa pamusha pemumwe wake paita zhowezhowe.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti nhumwa idzi hadzina kupinda munyika nekuti pane kodzero dzevanhu dziri kutyorwa, asi kuti pane manyepo atekeshera pamadandemutande ekuti hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu avanga vachida kunzwisisa kuti zviri kumbofamba sei.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG