Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoda Rubatsiro rweVemakereke Kuti Igadzirise Zvinonetsa Mune Dzimwe Nyika Kuchamhembe kweAfrica


President Cyril Ramaphosa nevatungamiriri vesangano rezvemakereke, reFOCCISA
President Cyril Ramaphosa nevatungamiriri vesangano rezvemakereke, reFOCCISA

Mutungamiri we South Africa, VaCyril Ramaphosa, neMuvhuro vakaita musangano nevamiriri vemakereke ari musangano re Fellowship of Christian Councils in Southern Africa (FOCCISA) vachiedza kutsvaka nzira yekupedza kushungurudzwa kunoitwa vanhu vasiri zvizvarwa zveSouth Africa munyika iyi.

Munyori weZimbabwe Council of Churches uye vari sachigaro we FOCCISA, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vakaperekedzwa kumusangano naVaRamaphosa nemunyori weWorld Council of Churches, Reverend Doctor Olav Fykse Tveit.

Doctor Mtata vaudza Studio7 kuti hurumende ye South Africa irikuda rubatsiro rwe vemakereke mukuona kuti nyika dzemunharaunda yeku chamhembe kwe Africa, dzakaita se Zimbabwe, dzingagadziriswa sei kuti zvizvarwa zvadzo zvisawana chikonzero chekuenda ku South Africa kana kune dzimwe nyika dzakapoteredza Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG