Accessibility links

Zimbabwe Yorambidzawo Kupinzwa Munyika kweHuku neMazai Zvinobva kuSouth Africa

  • Jonga Kandemiiri

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasadye huku dzinenge dzafa nechirwere che avian flu.

Zimbabwe yarambidza kupinzwa munyika kwehuku pamwe nemazai zvinobva kuSouth Africa zvichitevera kubuda kwechirwere che avian flu mhiri kwaLimpopo.

Bazi rinoona nezvekurima, zvemasangano pamwe nezvehove muSouth Africa rakazivisa mukupera kwesvondo kuti kutengeswa kwehuku mhenyu kwakanga kworambidzwa munyika yose zvichitevera kuonekwa kwechirwere che avian flu ichi mudunhu reMpumalanga.

Hurumende yeSouth Africa inoti madhadha ndiwo ari kuparadzira chirwere ichi paanenge achibhururuka pamadiro achiyambuka miganho yenyika mbiri idzi.

Hurumende yeZimbabwe inonzi yatora danho iri senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, uye richaramba riripo kusvika South Africa yazivisa kuti yarigadzirisa.

Svondo rapera South Africa, Botswana neMozambique dzakarambidzawo kupinzwa kwehuku nemazai zvinobva kuZimbabwe senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mukuru werimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers’ Union, VaPaul Zakariya, vanoti sevarimi vanotambira zvikuru danho iri, sezvo richichengetedza varimi vemunyika.

VaZakariya vanotiwo danho iri rakanakirawo kuti rinopa varimi mukana wekutengesa huku dzavo pamwe nemazai munyika pasina kukwikwidzana nezvinobva kuSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG