Accessibility links

Breaking News

Danho reSouth Africa reKunyevenutsa Mutemo weKudzivirira Kupararira kweCovid-19 Rotambirwa neMufaro


Mutungamiri weInternational Cross Border Traders' Association, VaDenis Juru
Mutungamiri weInternational Cross Border Traders' Association, VaDenis Juru

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vakazivisa neChitatu manheru kuti hurumende yavo yave kuzonyevenutsa mitemo yakasiyanasiyana ine chekuita nekudzivirirwa kwekupararira kwechirwere cheCovid-19 .

VaRamaphosa vakazivisa kuti kubva pakati peusiku hwemusi weSvondo 20 Gunyana nyika inenge yave kuenda pa Level 1 ye lockdown, zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vaine chirwere ichi munyika iyi.

VaRamaphosa vakazivisawo kuti kutanga musi wa 01 Gumiguru, South Africa inenge yovhura miganho yayo uye kubvumidza vashanyi vanopinda nendege pamwe nepamiganho yayo vanenge vaine magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa Covid-19 mukati memaawa makumi manomwe nemaviri kana kuti 72 hours.

Vakati vanenge vasina magwaro aya vanozoendeswa kunzvimbo dzinochengeterwa vanenge vakamirira kuvhenekwa kuona kana vaine Covid-19, kana kuti quarantine centres.

Vashanyi vanobva kunyika dzinozivikanwa kuti dzine dambudziko reCovid-19 vakanzi vanogona kurambidzwa kupinda munyika iyi.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru vanoti vana veZimbabwe vari muSouth Africa vakatambira nemufaro mukuru danho rekunyevenutsa lockdown iri, sezvo vanga vasingawanewo mari yekubatsirika yanga ichipiwa zvizvarwa zveSouth Africa.

VaJuru vanotiwo kuvhurwa kwemiganho, zvikuru weBeitbridge kuchatambirwa nemufaro mukuru nezvizvarwa zveZimbabwe, izvo zvagara zvichishandisa muganhu uyu kunotenga pamwe nekutengesa zvinhu muSouth Africa

Vanoti vanotarisira kuti hurumende yeZimbabwe ichazivisawo nezvekuvhurwa kwemuganhu weBeitbrdge kuitira kuti vanhu vakwanise kiupinda munyika dzose zvisina dambudziko.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG