Accessibility links

Breaking News

Poita Maonero Akasiyana Panyaya yeMutemo weKupinda neKubuda kweVana muSouth Africa


Hurumende yeSouth Africa yakarerutsa mutemo unobvumidza kupinda nekubuda kwevana munyika iyi mushure mekubvisa mamwe magwaro aidiwa.
Hurumende yeSouth Africa yakarerutsa mutemo unobvumidza kupinda nekubuda kwevana munyika iyi mushure mekubvisa mamwe magwaro aidiwa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvakawanda zvinonzi zviri kutambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa, rekurerutsa zvinodiwa pakufamba kuti mwana mudiki ange achibvumidzwa kupinda munyika iyi.

Asi vamwe vanoti danho rakatorwa neSouth Africa iri richawedzera kubiwa kwevana, kana kuona vabereki vanenge vachirwira vana vachipedzisira vatiza nevana vasina kupiwa mvumo nemumwe mubereki sezvanga zvichiitika.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa negurukota rinoona nezvemukati meSouth Africa, VaAaron Motsoaledi svondo rapera, rekusaina mutemo mutsva unobvumidza kupinda nekubuda kwevana vasiri vemunyika iyi vasina mamwe magwaro pamusoro peekufambisa avanenge vainawo.

Mutemo uyu unonzi uchabatsira zvikuru vana vane vabereki vekune dzimwe nyika dzinosanganisira Zimbabwe, avo vanga vachimanikidzwa kuve nemagwaro akaita seekuberekwa, ma affidavit kana tsamba inobva kune mumwe wevabereki kana mwana achifamba nemubereki mumwechete, kana kufamba nemunhu anenge asiri mubereki wake.

Bazi rezvemukati meSouth Africa iri rinonzi rakatozivisa mamwe mapazi anosanganisira rekupinda nekubuda kwevanhu nezveshanduko iyi.

Mukuru wesangano re Immigration Advisory for Southern Africa, uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Advocate Gabriel Shumba, vanoti sesangano vanozvitambira nemufaro sezvo zviri zvinhu zvavanga vagara vachitaura zvavo kuti magwaro akawanda anononotsa kufamba kwevanhu pamiganho.

Panyaya yekuti zvinogona kuwedzera nyaya dzekubiwa kana kufambiswa kwevana zvisina mvumo, Advocate Shumba vanoti kana mutemo wanga uripo wacho wanga usingambonyanyi kumisa kufambiswa kwevana zvisiri pamutemo nekuda kwehuwori hwaiitwa pamiganho.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG