Accessibility links

Breaking News

Archibishop Tutu Voradzikwa Musi wa1 Ndira, 2022


Archbishop Emeritus Desmond Tutu
Archbishop Emeritus Desmond Tutu

Mufundisi mukuru we St Georges Anglican Church, muCape Town, Archibishop Thabo Cecil Makgoba, vakazivisa nezuro kuti kereke yavo ichaita zvakasiya zvarairwa naArchbishop Desmond Tutu vasati vafa. VaTutu vakaudza Archibishop Makgoba kuti kana vafa, vanoda kupiswa uye madota avo agochengeterwa mukereke iyi.

Archibishop Tutu vakashanda paSt Georges Anglican Church muCape Town kubva mugore ra1986 kusvika muna1994.

Kuchengetwa kwemurumbi wa Archbishop Tutu kuchaitwa na 10 o’clock mangwanani emusi wa1 Ndira, 2022, vagopiswa uye madota avo achizochengeterwa mukereke iyi, mavakashanda kwemakore mazhinji.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Mukonza, vaudza Studio 7 kuti vezvematongerwo enyika, pamwe nevafundisi vazhinji, vane zvokudzidza zvakawanda kubva kuna VaTutu, vachiti VaTutu vaigona kusanganisa zvematongerwo enyika nezvekereke nenzira inoyananisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG