Accessibility links

Breaking News

South Africa Yavhara Mamwe Mabhodha Ayo Zvekare


VaCyril Ramaphosa
VaCyril Ramaphosa

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nezuro vakazivisa kuti nyika yavo yavhara makumi maviri emabhodha ayo kuri kurwisana kwayo nekupararira kwe COVID-19.

Bhoda riri pakati peZimbabwe ne South Africa, re Beit Bridge, nderimwe remabhodha avharwa.

VaRamaphosa vanoti mabhodha achangobvumidza kupinda nekubuda muSouth Africa magonyeti akatakura mafuta ekufambisa dzimotikari neawo akatakura mbatya, varwere vanorwara zvakanyanya vanoda kurwapiwa, zvizvarwa zveSouth Africa zviri kudzoka kumusha, vamiriri venyika, vabvakure varikubuda muSouth Africa, neavo vadzidzi vanopinda zvikoro muSouth Africa vanopinda vachibuda zuva nezuva .

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti South Africa yasvika pakaoma pamusoro pe Covid-19, vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvitevedzere mitemo yemu South Africa iyi yekurwisa Covid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG