Accessibility links

Breaking News

South Africa neBotswana Dzinoshorwa Pamusoro Pekumbunyikidza Vapoteri


Vapoteri varikutsvaka mvumo yekupotera muSouth Africa

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, riri kushora zvikuru nanho yatorwa neSouth Africa iyo yadzika mitemo mitsva inobata vapoteri neavo varikutsvaka hupoteri munyika iyi.

Umwe yemitemo yakadzikwa nehurumende yeSouth Africa unoti vapoteri munyika iyi havachatenderwi kuita zvematongerwo enyika zvakanangana nekwavakatiza.

Sangano reHuman Rights Watch rinoti umwe mutemo unorambidza kutaura kana kunyorerana tsamba nehurumende yavakatiza, richiti vapoteri havachakwanisa kuwana magwaro echikoro kana ekuzvarwa kwavo kubva kunyika dzavakatiza.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo harisi kufara nezvirikuitwa neSouth Africa pamwe chete ne Botswana munyaya dzevapoteri.

VaMavhinga vati apo South Africa irikudzika mitemo inombunyikidza vapoteri, Botswana iri kudzorera vapoteri kunyika dzavo vasingadi uye pasina kubvumirana nevapoteri ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG