Accessibility links

Breaking News

South Africa Yadzika Mitemo Yakaoma Mukurwisa Kupararira Kwe Coronavirus


Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa

Munyaya ichanetsa zvizvarwa zveZimbabwe zvizvizhinji, mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaposa, nezuro vakazivisa kuti kutangidza izvozvi vave kudzora imwe mitemo pamwe chete nekudzika mitemo mitsva yekudzivirira kupararira kwecoronavirus munyika iyi.

VaRamaphosa vakataura izvi mushure mekuona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huchikwira zvakanyanya.

Kubva musi weChristmas kusvika musi weSvondo wapfuura, vanhu vanoita zviuri makumi mashanu vakabatwa nechirwere ichi.

Imwe yemitemo iyi inorambidza kuungana kwevanhu mumizinda nekunze, vachiti vachangobvumidzwa kuungana ndeavo varikuchengeta mufi asi vasingabvumidze kuungana kwevanhu vanopfuura makumi mashanu.

VaRamaphosa vanoti vanhu havachabvumidzwi kufamba pakati penguva dza 9 o’clock manheru nenguva dza 6 mangwanani.

Vanoti kutengeswa kwehwahwa nokunwira hwahwa panzvimbo imwe chete zvambomiswa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti VaRamaphosa vatora danho iri mushure mekuvona kupararira kwave kuita chirwere ichi muSouth Africa, vachiti izvi zvichabata vanhu veZimbabwe zvakanyanya sezvo vanhu vange vave kutangidza kufamba zvishoma mushure mekurambidzwa kufambafamba kwemwedzi mizhinji izvo zvakaita kuti vaomerwe nehupenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG