Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa Zvotyira Hupenyu Hwazvo


Zvizvarwa zvesouth Africa zvichiratidzira zvichidzinga vabvakure muSouth Africa.
Zvizvarwa zvesouth Africa zvichiratidzira zvichidzinga vabvakure muSouth Africa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoti zvave kugara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kurwiswa kwazvinoti zviri kuitwa nezvizvarwa zvemunyika iyi.

Izvi zvinotevera kurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinoshanda sevatyairi vemarhorhi mahombe mudunhu reKwaZulu-Natal, zvikuru muguta reDurban, kubva svondo rapera zvichipomerwa mhosva yekutora mabasa.

Izvi zvinonzi zvakazopararirawo mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMpumalanga ne Cape Town.

Vamwe vanoti mashoko anonzi akataurwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa pane mumwe musangano webato ravo reANC ekuti vabvakure vari kungosvika vachitanga mabhizimusi vasina mvumo kana marezinesi, anogona kunge ari kukonzera zviitiko izvi.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemapurisa, VaBongani Mkongi, vanonzi vakataurawo mashoko anokwanisa kukonzera mhirizhonga pavakati maguta emuSouth Africa azara nevekune dzimwe nyika, zvichaita kuti nhaka yevana vavo itorwe nevabvakure.

Vezvematongerwo enyika vanonzi vari kushandisa nyaya yevabvakure iyi mukutsvaga kwavo rutsigiro, panguva iyo South Africa yatarisana nesarudzo muna Chivabvu wegore rino.

Vatyairi vedzimotokari vari kurwiswa vanoti vari kutorerwa makiyi edzimotokari dzimwe motokari dzichipiswa, uye kuvharirwa migwagwa.

Kurwiswa kwevabvakure uku kunonzi kwakasiya vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu vasisina pekugara mushure mekutiza dzimba dzavo mumusha weClare Estate, pedyo neDurban.

Nemusi weSvondo vabvakure vari mumusha weKenville vanonzi vakatizawo misha yavo, mushure mekurwiswa.

Vasiri vemunyika iyi vane zvitoro vari kuparadzirwawo mabhizimusi avo, midziyo yavo ichibiwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, kunyange hazvo zviri kunzi mune dzimwe nguva mapurisa acho ndiwo ari kutokurudzira kudzingwa kweve kune dzimwe nyika.

Asi vamwe vanoti mapurisa ari kuedzawo kubatsira kudzivirira vasiri kurwiswa kwevanhu uku.

Mumwe mutyairi werhorhi, VaPatrick Makuwaza, avo vari mu Durban, vanoti vazhinji vavo vave kungogara vakasunga twutundu sezvo vasingazivi kuti vanorwiswa riini.

Vanoti kunyange hazvo kurwiswa uku kwati derereyi zvichienzaniswa nezviitika nemusi weMuvhuro, havangati vabuda mumukanwa mamupere sezvo vanhu vari kuvarwisa ava vave kuvapindira mudzimba usiku vakarara.

Hurukuro naVaPatrick Makuwaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG