Accessibility links

Breaking News

Imwe Mhando yeCoronavirus Ine Hukasha Yowanda muSouth Africa


Covid Vaccine

Nyanzvi dzezvehutano muSouth Africa dzinoti dzawana imwe mhando yeCoronavirus ine hukasha uye inopararira nyore, ichikurumidza kuvhiringa mumuviri wemunhu anenge aibata.

Mhando iyi, iyo iri kudaidzwa kuti C.1.2, inonzi yakazivikanwa muna Chivabvu (May) gore rino.

Mhando iyi inonzi yapararira mumatunhu ose emuSouth Africa uye munyika dzekuchamhembe kweAfrica, kuEurope, kuAsia nekumwe, izvo zvakonzera kuti sangano rinoona ne zvehutano pasi pose, reWorld Health Organisation, riyambire nyika dzose pamusoro pengozi inogona kukonzerwa ne mhando yecoronavirus iyi.

Nyanzvi muzvirwere zvinotapuriranwa, vachishanda vari paUniversity yeKwaZulu-Natal, muSouth Africa, Dr Richard Lessells, vanove mumwe wevana chiremba vanoongorora zvine chekuita neCoronavirus muSouth Africa, vanoti C.1.2 inotiratidza kuti chirwere cheCovid-19 chichiri nesu kwenguva refu uye chichiri kutsvaka nzira dzirinani dzekutirwarisa.

Dr Lessells vanoti C.1.2 inoratidza kuve nenzira dzakawanda dzekunzvenga mishonga yenhomba yatagadzira parizvino.

Dr Lessells vanoti vanotumira zvinobuda muongororo dzavo kuWorld Health Organisation.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vanoti pane humbowo hunoratidza kuti nhomba dziripo ikozvino hadzikwanisi kubatsira paC.1.2 iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG