Accessibility links

Breaking News

Dzimwe nhengo dzevechidiki dzeZanu PF dziri pasi pechikwata chinozviti Zimbabwe Youth Action Platform dziri kushoropodza hutungamiriri hwechidiki mubato iri dzichiti hauna zvahuri kuita kunyange nyika yakatarisana nesarudzo.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, sachigaro weZimbabwe Youth Action Platform, VaTonderai Chidawa, vati hutungamiriri huriko hausi kushandira bato uye huri kutadza kupa vechidiki gwara.

VaChidawa vati vari kupa hutumgamiriri hwaVaPupurai Togarepi mazuva matatu kuti vagadzirise nyaya iyi.

Munyori muchikwata cheZYAP, VaTinashe Mashambo, vati vatungamiriri vavo havana hurukuro dzavari kuita nevamwe vechidiki kana kutsvagira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rutsigiro.

Izvi zvatsigirwa nemumwe wevechidiki, VaTinashe Mushipe, avo vati vechidiki vangadai vatotanga kukurira mutungamiriri webato reZaNU PF nzira sezvo hurongwa hwebato iri hwakaparurwa.

Studio7 yatadza kubata VaTogarepi sezvo nharembozha yavo yanga isingaiti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG