Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeHouse of Assembly Dzokurudzirwa Kunyorera Mari yeCDF


VaJacob Mudenda

Nhengo dzeNational Assembly makumi manomwe neina dzakatadza kunyorera kuparamende kuti dzipihwe mari yekusimudzira nzvimbo dzadzinomirira, yeConstituency Development Fund.

Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vanoti izvi zvinokanganisa mabasa ebudiriro munyika.

VaMudenda vakati nhengo dzedare iri zana nemakumi maviri nepfumbamwe ndidzo chete dzakanyorera mari yeConstituency Development Fund, CDF.

VaMudenda vakaudza dare iri neChina kuti pane nhengo dzedare iri mbiri chete dzakaita zvese zvinodiwa uye paramende ichapa nhengo idzi mari yeCDF mazuva mashona ari kutevera.

VaMudenda vari kukurudzira nhego dzeparamende kuti dziendese kuparamende matsamba ekuti dzipihwe mari yeCDF vachiti kurega kuita izvi kunodzorera mabasa ebudiriro kumashure munzvimbo dzavanomirira.

Pasi peCDF nhengo dzese dzeNational Assembly dzinopihwa zviuru makumi mashanu zvemadhora mumwe nemumwe kuti dzisumudzire nzvimbo dzavanomirira.

Sachigaro wesangano revatapi venhau dzeparamende, reZimbabwe Parliamentary Journalists Forum, Muzvare Vernaranda Langa, vaudza Studio7 kuti zviri kuitwa nenhengo dzeNational Assembly hazvifadzi sezvo nhengo idzi dzakambopopota zvakasimba dzichichemera mari yeCDF.

Mumiriri weBulawayo East, Muzvare Tabitha Khumalo, vebato reMDC-T uye vari mumwe wevaviri vakaita zvese zvinodiwa vaudza Studio 7 kuti vatomirira mari kuti vachiita mabasa ebuduriro munzvimbo mavo.

Vanoti mari iyi ichashandiswa kuchera zvibhorani pamwe nekugadzirisa zvikoro nenzvimbo dzinoshandiswa nevazhinji muBulawayo East.

Muzvare Khumalo vakurudzira vamwe vavo kuti vaite zvinodiwa neparamende kuti vapihwe mari yeCDF.

Vanomirira Buhera South, VaJoseph Chinotimba veZanu P, vaudza Studio 7 kuti havasati vapedza kuita zvese zvinodiwa uye vanotarisira kunge vagadzirisa zvese svondo rinouya.

Mumiriri weKuwadzana, Amai Betty Kaseke veZanu PF, vanoti vane chivimbo chekuti tsamba yavo ichabudirira nekuti vakaita zvese zvinodiwa uye vamirira kunzwa kubva kuparamende.

Vanoti hazvina kuvanetsa kunyorera kuti vapihwe mari yeCDF nekuti vagara vane komiti inoona nezvemabasa ebudiriro munzvimbo mavo.

Dare reNational Assembly rine nhengo mazana maviri negumi uye mumwe nemumwe wadzo anokodzera kupihwa zviuru makumi mashanu zvemadhora pasi pechirongwa cheCDF.

Paramende yakaisa mitemo yakaoma yekudzivirira kusashandiswa zvakanaka kwemari yeCDF mushure mekunge nhengo dzeNational Assembly mumaparamende apfuura dzakasungwa mushure mekushandisa mari yeCDF zvisina mwero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG