Accessibility links

Breaking News

VaFreeman Chari Votungamira Hurongwa hweKubatsira Kurwisa Korera KuZimbabwe


Gweru Provincial Hospital

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika zviri kubatsira kurwisa dambudziko rechirwere chekorera kuburikidza nekutsvaka mari yekubatsira vanhu kuZimbabwe kuitira kuti varwise chirwere ichi.

Mari iri kuunganidzwa iyi ndeyekutenga mvura yakachena kuZimbabwe ichipihwa vanhu sezvo mvura yakachena iri kunetsa zvikuru muHarare nedzimwe nzvimbo.

Kusvika pari zvino vanhu vanosvika makumi maviri nemumwe vafa nechirwere chekorera, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu vabatwa nechirwere ichi.

Mumwe wezvizvarwa zveZimbabwe izvi, VaFreeman Chari, avo vanogara ku Ohio muAmerica, vanoti zvinovarwadza kuti mishonga inodiwa kurapa nekudzivirira chirwere ichi haisi kuwanika nyore munyika.

Vanotiwo mimwe mishonga inopihwa vanhu zvechimbi chimbi kana vabatwa nechirwere chekorera haisisina simba rekumisa chirwere ichi.

Kana munhu achinge abatwa nechirwere ichi, mishonga yaanotanga kupihwa ma Ciprofloxacin neCefriaxone, ayo anonzi haasi kushanda pakorera iri kubata vanhu muHarare.

Naizvozvo, VaChari vanoti vari kuunganidza mari yekuti vanhu vabatsirike mukurwisa chirwere ichi.

“Takangofunga kuti isusu nevamwe vedu tiri kuno kuAmerica, chii chatingakwanisa kuita kuitira kuti tibatsire vari kumusha. Takaona kuti chekutanga vanhu vanoda mvura tikatanga kufona fona kuZimbabwe tichitaura nemakambani akasiyana siyana anogadzira mvura,” VaChari vaudza Studio7.

“Vamwe vaititi vanokwanisa kutipa mvura asi zvekutakurisa ndipo pasina. Saka takaedza kutsvaka mabhauza kuti patinopiwa mvura yamahara tonoisa kuvanhu, tichivapavo mapiritsi anochenesa mvura.”

VaChari vanoti chinangwa chavo ndechekuunganidza mari inosvika zviuru gumi zvemadhora kuti vabatsire varombo nemvura nemishonga yekurwisa korera kuZimbabwe.

Nzvimbo dzanyanyobatwa nekorera muHarare muHarare mumisha yeGlen Vierw neBudiriro, pamwe nenzvimbo dziri mumatunhu eMasvingo, Manicaland, neMidlands.

Gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vakazivisa neChitatu kuti vanhu makumi maviri nemwe chete vakange vafa nechirwere chekorera.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakashanyira neChitatu musha weGlen View vachiona varwere vakabatwa nekorera.

Korera yakambonetsa zvakare muna 2008 vanhu vanodarika zviuru zvina vakafa nechirwere ichi munyika yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG