Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Chamurambamhuru Kunotenga Zvinhu kuBotswana


Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaenda kuBotswana kunotenga zvinhu zvekutengesa pachinhambo chekupemberera zuva remauto.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaenda kuBotswana kunotenga zvinhu zvekutengesa pachinhambo chekupemberera zuva remauto.

Vashandi vakawanda vemuZimbabwe vakatora mukana wezororo reDefense Forces Day kuenda kuBotswana kunotenga zvinhu zvekuzotengesa kumusha.

Vanhu vakawanda vanoshandira hurumende vanga vakazara muzvitoro zviri mudhorobha reFrancistown muBotswana vachitenga zvinhu.

Vataura neStudio7 vati nyaya yenzara iri munyika ndiyo yaita kuti vaite chipata pata kushandisa zororo iri vachinotenga zvinhu zvavanoda.

Amai Shylet Muzanenhamo, avo vanoshandira pachipatara cheMpilo General Hospital muBulawayo, vaudza Studio7 kuti vauya kuzohodha zvinhu zvavanotengesa kumusha kuitira kuti vawanewo mari yakati wandeyi sezvo mari yavanotambira iri shoma zvikuru.

Muzvare Miriam Mthombeni vati havagoni kugara pasi pasina chavari kuita sezvo mari yavanohora iri shomanini kuti vararamise vana vavo vatanhatu.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaEzekiel Chipwanya, vati hazvina musoro kupemberera zuva remauto vana vako vachifa nenzara.

VaChipwanya avo vanoshandira muBulawayo vati pane kuswera vakatarisa masoja achifora munhandare, vaona zviri nani kuti vauye kuBotswana kunotsvaga zvingararamise mhuri yavo.

Mumwe wevanhu vanga vari muBotswana, VaPeter Mhembere, vati semushandi wehurumende, vari kugara vachifunga kuti pamwe remangwana ravo richanaka. Asi VaMhemnbere vati vanotenga nekutengesa zvinhu kuitira kuti hupenyu hwavo hufambe zvakanaka.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe zvichitevera kuparara kwaita hupfumi hwenyika izvo zvava kupa kuti vanhu vakawanda vabude munyika vachinotsvaga mafuro manyoro munyika dzakasiyana siyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG