Vagari vemudhorobha re Allentown riri mudunhu re Pennsylvania mu America, vakapa meya vari pachigaro, VaEdward Pawlowski, mamwe makore mana ekuti vatungamire zvakare guta ravo.
VaPawlowski vakakunda vamwe vana vavaikwikwidzana navo, vanosanganisira chizvarwa cheZimbabwe, VaSolomon Tembo.
VaTembo vakakwanisa kuwana mavhoti anoita mazana maviri chete zvichienzaniswa nezviuru zvina nemazana manomwe ane makumi mashanu nemasere akawanikwa naVaPawlowski vebato reDemocratic Party.
VaTembo vanoti vanotambira chose zvakabuda musarudzo uye vanotora mukana uno kukorokotedza VaPawlowski.
VaTembo, avo vakakwikwidza vakazvimirira, vanoti chikuru chakanyanya kuita kuti vakundwe zvine mutsindo wakadai inyaya yekuti vanhu vavaimirira vazhinji vavo varombo izvo zvakaita kuti vakundikane kubuda kuenda kunonyoresa kuvhota sezvo kwainaya zvakasimba.
Va Pawlowski vanoti vakasarudzwa zvakare nekuti zvavaitira vagari vemuAllentown mumakore gumi nemaviri avanga vari meya zvikuru kwazvo.
Vanoti vakakwanisa kuunza mabasa nebudiriro muguta ravo pamwe nekuvandudza nyaya dzedzidzo.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mu Philadelphia chaiteverawo sarudzo yakapindwa neVaTembo iyi, Amai Angela Moyo-Hardy, vanoti kukwanisa kukwikwidza kwakaita Vatembo musarudzo dzemuAmerica mucherechedzo wehutongo hwegutsaruzhinji hunowanikwa muAmerica, husingakwanisi kuwanikwa kumusha.
Asi VaTembo vanoti kunyange hazvo vasingashuviri kuti VaPawlowski vasungwe, vanofunga kuti nyaya dzavari kupomerwa dzinodarika makumi mashanu dziri kumatare edzimhosva dzichavatadzisa kuita basa ravo rehumeya nemazvo sezvo vachange vachimhanyanya kuenda kumatare.
Asi ivo VaPawlowski vakaudza Studio7 kuti havaoni izvi zvichivatadzisa kuita basa ravo nemazvo.
Vaimirira bato reRepublican Party, VaNat Hyman, vakawana mavhoti zviuru zvina nazana mana ane makumi mana, kuchiti VaJohn Ingram, vaive vakazvimirira vachiwana mavhoti mazana mana nemakumi masere nemapfumbamwe.
VaRay O’Connell vebato reDemocratic Party asi zita ravo rainge risiri pamagwaro ekuvhotera, kana kuti write-in candidate, vakawana mavhoti zviuru zviviri nezana rimwechete nemakumi mapfumbamwe ane pfumbamwe.
Guta re Allentown rakawambwa mugore ra 1762, uye pari zvino rine vanhu zana nemakumi maviri ezviuru nemazana maviri nevanomwe.
Facebook Forum