Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zve Zimbabwe Zvoratidzira Kutsigira Mauto eZimbabwe


Zvizvarwa ZvekuZimbabwe Vachiratidzira kuTexas
Zvizvarwa ZvekuZimbabwe Vachiratidzira kuTexas

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muWashington DC nematunhu akapoteredza zvakaungana neMugovera pamuzinda weZimbabwe uri mu Washington DC zvichitsigira zviitiko zviri kuitika kumusha, zvichitevera kupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika, uye kumanikidzwa kwaVaMugabe nebato ravo re Zanu PF, kuti vasiye chigaro, izvo zviri kutsigirwawo neveruzhinji.

Mumwe wevakaronga kufora uku, Muzvare Shingi Mangwiro, vanoti vashamiswa nekubuda kwakaita zvizvarwa zveZimbabwe, kunyange hazvo kwaitonhora zvekukwidza hamba mumuti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ukuwo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvakabva kumatunhu ari kure akaita se Pennsylvania, New Jersey, New York, Virginia ne Maryland

Zvizvarwa zve Zimbabwe nevamwe vanofarira Zimbabwe vanogara ku Texas, vaunganawo paCity Hall muDallas vachiratidzira kutsigira kwavo zviri kuitika kuZimbabwe.

Mumwe wevakaratidzira Dr. Prisca Ngondo, vanoti vanotarisira kuti Zimbabwe itange patsva uye vanotarisira kuti dzimwe nyika hadzipindire munyaya yekupindira kwemauto mukutongwa kwenyika.

Hurukuro naDr Prisca Ngondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG