Accessibility links

Breaking News

Masoja Oshayisa Vanhu Mufaro Munzvimbo Dzavanogara muHurare neChitungwiza


Soldiers beat a supporter of the opposition Movement for Democratic Change party of Nelson Chamisa outside the party's headquarters as they await the results of the general elections in Harare, Zimbabwe, Aug. 1, 2018.

Vanhu vakawanda vanoti muHarare hamuchina rugare sezvo vari kugara vachirohwa nekushungurudzwa nemapurisa nemasoja.

Izvi zvakatanga nemusi weChitatu chapfuura apo vatsigiri veMDC Alliance vakaratidzira mukati meguta vachitsutsumwa nezvakabuda musarudzo.

Kunyange hazvo kutaratidzira uku kwakaitika mukati meguta, apo masoja akapfura akauraya vanhu vatanhatu, masoja aya ave kupindawo mumisha inogara veruzhinji umo anonzi ari kurova vanhu panguva dzemanheru dzega dzega.

Masoja anonzi ari kurova vanhu kuChitungwiza, Glen View, Glen Norah, Budiriro, Dzivaresekwa, Kuwadzana nedzimwe nzvimbo.

Kana mukati muguta chaimo masoja nemapurisa vari kurova vanhu vasina mhosva husiku hwega hwega.

Studio7 yapinda muKuwadzana neDzivaresekwa uko yataura nevamwe vakarohwa nemasoja.

Vazhinji vakarohwa varamba kutaura nesu uye vacho vabvuma varamba kutaura mazita avo vachitya kuti vanogona kupinda mutsekwende.

Mumwe murume anochengetedza chimwe chitoro pane imwe nzvimbo yemabhizimisi iri muKuwadzana East, uyo aramba kudomwa nezita audza Studio7 kuti akarohwa zvakaipisisa asina mhosva yaapara.

VaKimpton Poto, avo vakapunyuka pairohwa vanhu nemasoja panzvimbo yemabhizimisi mumusha weKuwadzana 2, vaudza Studio7 kuti masoja nemapurisa aya akatorawo zvinhu zvevanhu.

Vamwe Amai vasinawo kuda kudomwa nezita ravo vaudza Studio7 kuti vakasvikirwa munzvimbo yekutandarira yavaive panguva dzekuma 11 husiku vakarohwa zvakaipisisa vachipomerwa mhosva yekuvhotera MDC Alliance pamwe nekukonzera nyonga nyonga muHarare.

Vatiwo masoja nemapurisa akavarova ainwawo doro mahara mumabhawa uye aitorera vanhu mari nembozhanhare dzavo.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakakunda musarudzo yemutungamiriri wenyika, neChishanu vakati kana vachinge vagadzwa semutungamiriri wenyika, vachadoma komisheni ine vanhu vemumo nevekunze ichaongorora kuurayiwa kwevanhu nemasoja svondo rino pamwe nekurova kwaanonzi ari kuita vanhu zvisina tsananguro.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, inove nhengo yeMDC Alliance, VaKurauone Chihwai, vaudza Studio 7 kuti vari kutambira zvichemo zuva nezuva zvevanhu vari kurohwa nemasoja mumisha yakawanda muHarare uye vanoti VaMnangagwa ngavagadzirise nyaya iyi nekukasika.

Mutauriri wemauto munyika, VaOverson Mugwisi, vanoti havana zvavanoziva pamusoro penyaya iyi asi vakurudzira veruzhinji kuti vamhang’are kumapurisa kana vachinge vatadzirwa nemauto.

Vati nyaya dzose dzinomhang’arwa dzinoongororwa uye vanenge vapara mhosva vachirangwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG