Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inorohwa Zvakaipisisa neMusoja kuMasvingo


Soldiers are seen on the street in central Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.

Kunyange hazvo mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuramba vachivimbisa pasi rose kuti munyika muchaitwa sarudzo dzakachena, mhirizhonga yezvematongerwe enyika iri kuramba ichikwira munyika, zvichitevera kurohwa zvakaipisisa nemusoja kweimwe nhengo yeMDC-T kwaChivi neChina manheru.

Imwe nhengo ye MDC-T, VaLuckmore Mandiva, wemuraini rekwa Murandu, vanonzi vakarohwa vakakuvara zvakaipisisa nemumwe muuto pazvitoro zveZvamapere mu Ward 10 kwaChivi.

Zvinonzi musoja uyu akarova VaMandiva achivati havafanirwe kutsigira MDC.

Muninína wa VaMandiva, VaPeter Mandiva, vaudza Studio 7 kuti mukoma wavo akakuvara zvisingaiti uye rimwe ziso rake harisi kutoona kunyange akandorapwa kuchipatara che Chivi district hospital .

Vati vakaenda nemukoma wavo kuchipatara uko kwavakandosona uye vakadzoka navo kumba mushure mekurapwa.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T muMasvingo, VaSimon Mupindu, vashoropodza Zanu PF vachiti mashoko avo ekuti vachashandisa mauto abuda pachena kunyange mukuru wavo achivimbisa runyararo.

Nyanzvi munezve matongerwe enyika, VaTakavafira Zhou, vanoti sarudzo dzegore rino dzatotanga mhirizhonga uye VaMnangagwa vari kunyepera vekunze kwenyika vachivanyengedza kuti vauye kuzoita mabhizimusi munyika vachiti zvinhu zvanaka muZimbabwe.

"Handioni kuchiita free and fair elections nekuti Zanu PF ino indiketa kutena left iyo ichetena right, tozviziva kuti vanhu ve Zanu vanoda kurova vanhu. VaRugeje vakataura kuti vacharova vanhu," vadaro VaZhou.

Studio7 yatadza kubata mutauriri wemauto munyika, Lieutenant Colonel Aphios Makotore, kuti vatipe divi ravo nenzve nyaya iyi.

NeChina, mutungamiri weNational People's Party, Amai Joice Mujuru, vakatiwo vakarwiswa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeveZanu PF, kuChitubu, muGlen Norah A. Vatsigiri vaAmai Mujuru vakakuvadzwawo pachiitiko ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG