Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshoropodzwa neKuvhara Kwainonzi Yakaita Masaisai


Vanhu vakawanda vanoti vari kutadza kutumira kana kutambira mashoko muZimbabwe, vachiti hurumende yakavhara internet.
Vanhu vakawanda vanoti vari kutadza kutumira kana kutambira mashoko muZimbabwe, vachiti hurumende yakavhara internet.

Mamwe masangano makumi maviri anorwira kodzero dzevanhu pasi rose kusanganisa reCommunity to Protect Journalists, anyorera tsamba kugurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaKazembe Kazembe, achinyunyuta nenyaya yekumbovharwa kwemasaisai e internet munyika yose.

Masangano aya anoti kuvhara internet kutyora zvibvumirano zveUnited Nations.

Masangano aya anosanganisa re Keep It On, iro rine masangano zana nemakumi manomwe anorwira kodzero dzevanhu pasi rose, uye The World Wide Web Foundation, Open Net Africa, Human Rights Foundation nemamwe.

Masangano aya anoti kazhinji hurumende dzinodzima masaisai dzinenge dzichida kutyora kodzero dzevanhu pasina anoona. Hatina kukwanisa kubata VaKazembe kuti tinzwe divi ravo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vaive mukuru weMISA Zimbabwe, VaRashweat Mukundu, vanoti zviri kuitwa nehurumende kutyora kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mamwe maseneta ekuAmerica ari kukurudzira vakuru muhurumende yeZimbabwe kuti varemekedze kodzero dzevanhu vari kuratidzira, vovhura masaisai emadandemutande pamwe nenhare.

Nhengo dzeseneti dziri zvakare nhengo dzebato reDemocratic Party uye vari nhengo dzekomiti yedare reseneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, yeSenate Foreign Relations Committee dzinoti VaChris Coons, vanomirira Delaware, pamwe naVaCory Booker, vanomirira New Jersey, vaburitsa mashoko anoti vari kushushikana zvikuru nezviri kubuda muZimbabwe.

Vanoti vari kuwana mashoko ekuti vanhu vari kuratidzira vari kuurayiwa, kusungwa kusina tsarukano, kurohwa, pamwe nekushungurudzwa nevanochengetedza runyararo munyika.

Maseneta aya anoti ari kukurudzira hurumende kuti igadzirise zvinhu kuburikidza nekutaurirana pachiteverwa mutemo, uyewo kuti vari kuratidzira vaite zvavanosungirwa nebumbiro remitemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG