Accessibility links

Breaking News

Kushaya Mari Inoshandiswa neZimbabwe Warriors Kokurukurwa


Muteveri wechikwata che Caps United, VaProsper Muzanharwo, vanoti zvinhu hazvifanire kusvika ipapa sezvo mari yakakosha mumutambo wenhabvu.

Pese panotamba chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors panoita gakava renyaya dzemari uyezve nekuzhamba mumabatirwo avo.

Nyaya dzemari mukamba yemaWarriors inyaya dzatora nguva refu dzichitadza kugadziriswa nevanotungamira nhabvu munyika veZimbabwe Football Association, Zifa.

Kubvira muna 1993 apo chikwata chemaWarriors cheDream Team chakavakwa namushakabvu, Reinhard Fabisch, kusvika ikozvino maWarriors anongogara achiramwa basa nenyaya dzekusabhadharwa.

Fabisch, uyo akarairidza chikwata ichi kwemakore akawandisa, aigara achirwisana neveZifa nenyaya dzemari dzevatamb idzi, pamwe achibudirira, pamwe achikundikana.

Kunyange hazvo maWarriors akabudirira kuenda kumakundano e2004 ne 2006 Africa Cup of Nations, izvi zvakauya zvekare paine kutamburira sezvo vatambi Peter Ndlovu naBenjani Mwaruwari vaipinza ruoko muhomwe dzavo kuti vabatsire chikwata ichi nemari.

Muongorori wezvemutammbo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoyeuka zvakaitika muna 2004.

Svondo rapera maWarriors aive ave kuramba kuenda kuma2017 Africa Cup of Nations finals kusvikira paita chibvumirano neveZifa chekunyorerana pasi kuti vaizowana mari yavo makundano aya asati apera.

Muteveri wechikwata che Caps United, VaProsper Muzanharwo, vanoti zvinhu hazvifanire kusvika ipapa sezvo mari yakakosha mumutambo wenhabvu.

Mumwe muteveri wenhabvu, VaShingirai Kadiyo, vanoti kusabata zvakanaka vatambi kunokonzera kuti vasatambe nemazvo apo vanenge vachitamba nevekune dzimwe nyika.

Chiri kushamisa ndechekuti nyaya dzemari idzi dzakabvira kare uyezve hazvisi kuratidza kuti dzichagadziriswa ikozvino sezvo veZifa vari kuratidza kuti havana zano rekupedza matambudziko aya.

Vese vari kuuya kuzotungamira sangano iri vari kungozhamba nenyaya imwe chete yekuti hakuna mari yekupa vatambi sezvo mari yese inobhadharwa nevatsigiri venhabvu kuona chikwata ichi chichitamba inoperera mukubhadhara pekugara nendege dzinotakura vatambi.

Zvikamu zvitanhatu kubva muzana zvemarii iyi zvinoenda kuSport and Recreation Commission, imwe yacho ichibhadhara nhandare, zvikwereti, mapurisa, pamwe nevanobhadharisa pagedhe veZifa vachiti vanosara nemari shoma shoma.

VaKambamura vane mafungiro avowo vachiti ivo mapurisa anenge asingafanirwe kubhadharwa neveZifa sezvo vanenge vari pabasa uyezve vakatora mhiko yekushandira nyika.

Vatungamiri vatsva vese vari kuuya mu Zifa vari kusvika vachinenedzera vaimbove panzvimbo kuti vemakambani havachada kupa mari kusangano iri nekuipiswa kwakaitwa zita ravo nehutungamiri hwaimbovepo kare.

Mubati wehomwe muZifa, Va Philemon Machana, vanoti vakafamba kumakambani akawanda vachitsvagira maWarriors mari yekushandisa mugadziriro ye2017 Africa Cup of Nations asi vaingowana mhinduro imwe chete yekuti kana iri Zifa hapana mari.

Asi VaAbshell Makaya, avo vanoti vanobva kuWatsomba vanoti veZifa varipo havafanire kunenedzera vakaenda kare vachiti ivo vanofanira kusimuka nehurongwa hutsva hunoita kuti vemakambani vadyire.

VaMakaya vanoti veZifa vanofanira kutsvaga dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari dzakaita sekutengesa majuzi evatambi, mireza nezvimwe zvakadaro.

Vamwewo vakaita saMuzvare Isabel Mupandawana ndivo vanoti kushaikwa kwemari kwemaWarriors kuzviitisa kwemhuri yenhabvu sezvo vanosarudza muhutungamiri hwavo vanhu vasina huremu pamberi pevakuru vemakambani.

Izvi zvinotsinhirwawo naVaKambamura.

VaMakaya vanoti veZifa vane humbimbindoga hwekuda kuita zvese vega.

Vanoti panofanira kuve paine komiti inoona nezvemagariro emaWarriors veZifa vachingoona nezvematambirwo emitambo chete.

VaMakaya vanowedzera ivo kuti komiti iyi inofanira kuve iine homwe inoiswa mari yemaWarriors pachitsvaga imwe mari apo maWarriors anenge asina mitambo.

Vanoti ivo komiti iyi inofanira kupihwa simba rekutsvaga yakazvimirira yega, kambani inopa mari kuchikwata chenyika ichi.

Muteveri wechikwata cheBlack Rhino, VaJaphet Mombera, vanotenderana naVaMakaya vachiti ivo maWarriors anofanira kuve aine komiti inoona nezvemagariro avo.

Asi VaMombera vanoti sezvo vemakambani vakaomerwa nemari nenyaya yekuoma kwezvehupfumi munyika, komiti iyi inofanira kupihwa zvekare mari nehurumende yekuti maWarriors ashandise sezvinongoitwawo kune dzimwe nyika.

VaMombera vanoti komiti iyi inofanira kuve iine simba rekubhadhara iyo vatambi mari yavanenge vabvumirana neveZifa pamwe nekuoona kuti panogara vatambi nezvekufambisa zvagadziriswa.

Pari zvino, maWarriors ari kuGabon uko vari kukwikwidza mu2017 Africa Cup of Nations.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG