Accessibility links

Breaking News

Yadah Inorigwa neDynamos


Dynamos FC
Dynamos FC

Chikwata chichangopinda muPremier Soccer League cheYadah, icho chinopihwa mari yekushandisa namuporofita Walter Magaya, chakakundwa kekutanga neSvondo apo chakarohwa ne Dynamos.

Chikwata ichi chapunzirwa pasi kekutanga gore rino mushure mekudamburwa 1-0 neDynamos mumutambo wakanakidza zvikuru uyezve wakaunganidza chaunga muNationalSports Stadium.

Vazhinji vanotevera chikwata ichi vaitarisira mapoinzi ese matatu, asi izvi zvakaramba mushure mekunge chibodzwa chakabva kuna Ocean Mushure maniminitsi makumi matatu nemana mutambo watanga, chakanyudza Yadah.

Kunyange hazvo vakakunda murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anobvuma kuti mutambo uyu waive wakaoma zvikuru.

Mutambo uyu waive wamboshairwa kwekutambirwa mushure mekunge nhandare yeNational Sports Stadium yaive yanzi yaive yakavharwa nemhaka yemusangano wechechi yeChrist Embassy uyo uriko svondo rino.

Asi manheru eChishanu vePremier Soccer League vakazivisa veruzhinji kuti mutambo uyu waive wave kutambirwa munhandare diki yeMorris Depot iyo iri muHarare zvekare.

Izvi zvakazoshandurwa nenguva dza 12.30 masikati eMugovera apo vanotaura vakamirira PSL, Muzvare Kudzai Bare, vakaudza vatori venhau kuti Yadah yaive yave kusangana neDynamos muNational Sports Stadium asi havana kutaura chikonzero chakaunza chashanduko iyi.

Chaunga chakanzwa shoko iri pachiri nenguva ndokuuya vakawandisa kuzoona chibodzwa cha Mushure chichipa Dynamos mapoinzi ese, zvichitevera kurohwa kwavakaitwa 1-0 neHow Mine pakati pesvondo.

Aka ndiko kekutanga Yadah ichirohwa mumakundano egore rino asi murairidzi wavo, Jairos Tapera, anoti izvi ingadai zvisina kuitika dai vatambi vake vakashandisa mikana yavakawana.

Tapera anoti vave kutora nguva ino kugadzirisa pavakundikana.

Yadah yava pachinhanho chechitanhatu.

Highlanders ndiyo yave pamusoro pemakundano aya mushure mekurova Ngezi Platinum Stars 1-0 nechibodzwa chakabva kuna Simon Munawa mutambo wave kupera.

Highlanders ine maponzi gumi nemaviri, maviri pamusoro pe Ngezi Platinum Stars iyo iri kutevera.

Vakaoma Bosso ichitamba vanosanganisa VaTapuwa Masanzu vanoti Highlanders ikaramba ichitamba zvakadai ingangotora mukombe uyu uyo yakapedzisira kutora muna 2006.

Caps United haisi kuitawo zvekutamba mushure mekuzvambaradza Chapungu 4-0 mazuva matatu yafamba kubva kuMhondoro Ngezi uko yakanotora poindi yakakosha nekuita mangange 2-2 neNgezi Platinum Stars.

Chicken Inn yakanorova Hwange 1-0 nechibodzwa chakanwiswa naChris Samakweri, zuva rimwechetero Nelson Mazivisa akafadza vatsigiri veShabanie Mine nekukanda bhora mumambure mukunda kwavo Tsholotsho Pirates 1-0.

Mangwana, Black Rhinos iri kusangana neFC Platinum kuMorris Depot zvekare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG