Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yogadzirisa Nhandare dzeNhabvu Panguva Iyo CAF Yakarambidza Mitambo muNyika


Nhandare zhinji dzemunyika, kusanganisira Sakubva kwaMutare, dzinonzi hadzienderane nezvinotarisirwa neFIFA, izvo zvakaita kuti CAF
Nhandare zhinji dzemunyika, kusanganisira Sakubva kwaMutare, dzinonzi hadzienderane nezvinotarisirwa neFIFA, izvo zvakaita kuti CAF

Kanzuru yeguta reHarare inoti iri mushishi kugadzirisa nhandare dzayo dzenhabvu dzose dzinoti Rufaro, Gwanzura neDzivaresekwa, kuitira kuti dzifambirane nekomekedzo yekomiti yeConfederation of African Football yakanga iri munyika ichiongorora nhandare kuti dzinowirirana here nezviga zveFIFA.

Mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme vanoti kanzuru yavo itori pakati pekugadziridza nhandare dzese dzekanzuru zvekuti panozotanga mitambo yePremier Super League ndandare dzavo nhatu dzinenge dzave kushanda.

Asi VaChideme vanoti dambudziko riri kuita kuti vatadze kugadzirisa nhandare dzavo paine nguva inyaya yekushaya mari. Vanoti chave kudiwa iye zvino kushanda pamwe kwemapoka ose kusanganisira ZIFA, PSL nehurumende.

Izvi zvinouya panguva iyo CAF yakarambidza kutambwa kwenhabvu yepamusoro munyika ichiti nhandare dzemo hadzisviki panobvumidzwa neFIFA.

CAF yakarambidza kutambwa kwenhabvu muNational Sports Stadium , iyo iri pasi pehurumende, pamwe neRufaro iri pasi pekanzuru yeHarare, Mandava, pamwe neBarbourfields, iyo iri pasi pekanzuru yeBulawayo.

Barbourfields yakanga yambonzi itambirwe mitambo asi ichigadziriswa. Asi zvinonzi hapana chakaitwa izvo zvakazopa kuti CAF neChipiri izivise kuti hapana mitambo ichatambirwa muZimbabwe kusvika nhandare dzagadziriswa.

Izvi zvave kureva kuti ZIFA yave kufanirwa kutsvaga nhandare dzenyika dzakatikomberedza kuitira kuti maWarriors atambe mutambo wavo neAlgeria mukupera kwemwedzi unouya. Mutambo uyu waifanirwa kutambirwa kuBarbourfields.

ZIFA yakazivisa neChipiri kuti ichapikisa danho reCAF iri.

Asi vanotevera nhabvu munyika vakawanda vari kunyunyuta zvikuru vachiti izvi zvinoratidza kuti zvinhu zvaparara zvachose munyika munyaya dzenhabvu.

Mumwe varatidza kubatikana nechiitiko ichi ndemumwe mutambi akaita mukurumbira, Japhet "Short Cat" Muparutsa, uyo anyora paFacebook peji rake kuti iye nesangano rake renhabvu reShort Cat Foundation varwadziwa zvikuru nedanho reCAF iri.

Muparutsa anoti vakarara nezamu mumukanwa pavaiona nhandare dzichiparara asi vasina matanho avakatora ekugadzirisa zvinhu.

Mumwe ati ari kurwadzwa nekurambidzwa kwenhabvu munyika ndiMukoma Alvin "Aluvha" Zhakata, mutsigiri wenhabvu mukuru munyika. Mukoma Zhakata vanoti zvakaitika izvi zvinorwadza uye kunyadzisa senyika.

Vanoongora nhabvu munyika, VaMuziwethu Hadebe, vanoti chinhu chinorwadza hongu, asi vachine tarisiro yekuti ZIFA ichataurirana neCAF zvekuti vanogona kuwirirana mutambo wemaWarriors neAlgeria ukatambirwa muBarbourfields.

Asi vakambove mutungamiri wechikwata cheDynamos F.C, VaKenny Mubaiwa vanoti chinongodiwa chete apa kugadzirisa zvose zvakanzi neCAF zvinoda kugadziriswa, kwete nhaurirano neCAF pasina chagadziriswa.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG