Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Votaura Pamusoro peKuburitswa kwemaWarriors muAFCON 2021


Aka ndekechishanu chikwata cheZimbabwe Warriors chichiburitswa mumakwikwi aya muchikamu chekutanga.

Chikwata chenhabvu yevanhurume cheZimbabwe, chemaWarriors, chabuditswa mumakundano eAfcon 2021 nechimbi-chimbi chichisiya mibvunzo mune ramangwana racho.

Nyika yese iri kushamisika kuti maWarriors akarohwa 2-1 neMalawi iyo vanotarisira pasi pasi uyezve isina zita rakasimba munhabvu muAfrica.

Kurohwa uku kwasvitsa kumagumo nzira yemaWarriors muAfcon 2021 sezvo vasisakwanise kubata Guinea neSenegal kana kudarika Malawi mumutambo mumwechete wasara.

Muteveri weHighlanders VaSimbai Mahachi vanoti vari kushaya kuti chii chaicho chakarova Zimbabwe pamutambo uyu.

Veruzhinji vari kunenedzera zvakasiyana-siyana kuti ndizvo zvakanganisa kubudirira kwechikwata ichi, icho chakarohwa zvekare 1-0 neSenegal mumutambo wekutanga.

VaZee Moyo veKeg Africa Sports vanoti murairidzi wechikwata ichi Norman Mapeza akarasika mukusarudza nekuronga vatambi vake.

Murairidzi webasketball Edmore Muthetwa anoti Mapeza akundikana zvekuti ino yave nguva yekupa mumwe murairidzi basa iri.

Vaimbove mubhodhi reCaps United, VaWellington Chando, vanoti Mapeza aifanira kuve akatambidzwa komiti yevarairidzi kuti imubatsire nemazano.

Asi aimbotambira Arcadia United Dan Jimu ane mafungiro ake achiti aiziva kuti hapana chainobuda kuCameroon nekurwisana kuri kuitika muhutungamiri hwenhabvu munyika.

Mumwe muteveri wenhabvu vangoda kuzivikanwa saVaMuthetwa vanoti Zimbabwe ine vatambi vechidiki vakaita saPrince Dube, Jordan Zemura, Admiral Muskwe, Tino Kadewere, Martin Mapisa, Marvelous Nakamba naBill Antonio vekuvaka navo chikwata cheAfcon 2023.

Aka kave kechishanu Zimbabwe ichibuditswa munharaunda yekutanga kumakundano eAfcon aya.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG