Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Votarisira Kubudirira kweZimbabwe muGroupA


The Zimbabwe Warriors
The Zimbabwe Warriors

Vatsigiri venhabvu vari kufara nemakwikwi e2019 Africa Cup of Nations zvichitevera kuiswa kwechikwata che Zimbabwe Warriors mugungano rine nyika ina dzinoti Egypt, Democratic Republic of Congo, neUganda, vachiti gungano iri rakapfava pane remakore apfuura.

Mumubatanidzwa yezvikwata yakaitwa neveConfederation of Zimbabwe nezvikwata izvi iri muGroup A, umo vatsigiri venhabvu munyika vanoti chikwata chavo chinobudamo zvisina kutamburira.

Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro-soro mugungano iri, nezvikwata zvina zvichapedza zviri pachinhanho chechitatu zviri nani pamagungo ese matanhatu, ndizvo zvinoenderera mberi nemakwikwi aya.

Aimbove mubati wepembe muPremier Soccer League, VaSam Hamandawana, vanoti Zimbabwe ichabudirira muGroup A.

VaShabani Muswera avo vaimbotambira Black Rhinos muSuper League vanotiwo vari kufara negungano raiswa Zimbabwe.

Mutambi wekarati ane mukurumbira asi achitevera mutambo wenhabvu, Afonso Mukuche, anoti Egypt inonetsa kurova nenyaya yevabati vepembe asi vachiyambira maWarriors kuti asadherere Uganda.

Zimbabwe yaenda kumafainari eAfrica Cup of Nations katatu muna 2004, 2006, na 2017 asi panguva yese iyi maWarriors anga achingobuditswa munharaunda yekutanga.

Asi VaHamandawana vanoti iko zvino maWarriors anobudirira asi vachiti ivo kuti izvi zviitike, panoda gadziriro yakasimba.

Makundano aya ari kutanga musi wa 21 Chikumi, Egypt neZimbabwe dzichivhura musangano wezvikwata makumi maviri nezvina aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG